ShonaTeam Proverbs « 30 »

Zvirevo zvaAguri

30Mashoko aAguri, mwanakomana waJake muMasa. Murume anoti kuna Itiyeri, iko kuna Itiyeri naUkari:

2 Zvirokwazvo, ndiri benzi kupfuura munhu upi neupi; uye handina njere dzemunhu.

3 Uye handina kudzidza uchenjeri, kana kuziva ruzivo rwevatsvene.

4 Ndiyani wakakwira kumatenga ndokuburuka? Ndiyani wakaunganidza mhepo mumaoko ake? Ndiyani wakasungirira mvura zhinji munguvo? Ndiyani wakasimbisa migumo yose yenyika? Zita rake ndiyani, uye zita remwanakomana wake ndiyani, kana uchiziva?

5 Shoko rimwe nerimwe raMwari rakanatswa; iye inhovo kune vanotizira kwaari.

6 Usawedzera pamashoko ake, zvimwe akutsiure, uye ukawanikwa uri murevi wenhema.

7 Zvinhu zviviri ndakakumbira kwamuri; musandirambira izvo ndisati ndafa.

8 Bvisai kure neni zvisina maturo neshoko renhema; musapa kwandiri urombo kana ufumi; mundipe zvekudya zvemugove wangu.

9 Zvimwe ndigute ndikurambei ndokuti: Jehovha ndiyani? Kana zvimwe ndive murombo, ndibe, ndibate zita raMwari wangu pasina.

10 Usanyeya muranda kuna tenzi wake, zvimwe akutuke ukawanikwa une mhosva.

11 Zera rinotuka baba varo, uye risingaropafadzi mai varo.

12 Zera rakachena pameso aro, asi harina kusukwa patsvina yaro.

13 Zera meso aro akasimukira, nemafunhiro emeso aro akakwidzwa.

14 Zera mazino aro minondo, uye shaya dzaro mapanga, kudya varombo kubva panyika nevanoshaiwa kubva pavanhu.

15 Chinwaropa chine vanasikana vaviri vanoti: Ipa! Ipa! Zvitatu izvi hazviguti; zvina hazvina kuti: Zvakwana!

16 Guva, nechizvaro chiri mhanje, nyika isingaguti mvura, nemoto usingati: Zvakwana!

17 Ziso rinoseka baba, uye rinoshora kuteerera mai, makunguvo emupata acharinongora, uye vana vegondo vacharidya.

18 Zvinhu izvi zvitatu chishamiso chikuru kwandiri, hongu, zvina zvandisina kuziva:

19 Nzira yegondo mumatenga; nzira yenyoka paruware; nzira yechikepe pamoyo pegungwa; nenzira yemurume pamusikana.

20 Yakadaro nzira yemukadzi chifeve: Chakadya chikapukuta muromo wacho, ndokuti: Handina kuita chakaipa.

21 Nyika inodedera nekuda kwezvinhu zvitatu; hongu, nekuda kwezvina zvaisingagoni kutakura:

22 Nekuda kwemuranda kana achitonga; uye benzi kana raguta zvekudya;

23 nekuda kwemukadzi anovengwa kana achiwanikwa, nemurandakadzi kana achigara nhaka yatenzikadzi wake.

24 Zvina izvi zvidiki zvenyika, zvakadaro zvakachenjera, zvakachenjedzwa:

25 Majuru, rudzi rwusina simba, zvakadaro anogadzirira zvekudya zvawo muzhizha.

26 Mbira, rudzi rwusina simba, zvakadaro dzinoita imba yadzo mudombo.

27 Mhashu hadzina mambo, zvakadaro dzinobuda dzose dzakaparadzana nemapoka.

28 Chipfira chinobatirira nemaoko maviri, uye chiri mumizinda yamambo.

29 Zvitatu izvi zvinotsika zvakanaka, hongu zvina zvinofamba zvakanaka:

30 Shumba ine simba pakati pemhuka, isingadzokeri shure nekuda kwechiso chaani kana ani.

31Mhuka yakasunga chiuno; kana nhongo; namambo ane boka revarwi.

32 Kana wakava benzi nekuzvikudza, uye kana wakaronga chakaipa: Ruoko mumuromo.

33 Nokuti mukaka wakamiminwa unobudisa ruomba, nemhino dzadzvanyiwa dzinobudisa ropa, uye hasha dzambandidzirwa dzinobudisa gakava.