ShonaTeam Proverbs « 29 »

29Munhu anoti achitsiurwa kazhinji anoomesa mutsipa achagurwa pakarepo, uye hapangavi nekuporeswa.

2 Panowanda vakarurama, vanhu vanofara, asi pakutonga kwevakaipa, vanhu vanogomera.

3 Munhu anoda njere anofadza baba vake, asi shamwari yezvifeve inoparadza fuma.

4 Mambo anosimbisa nyika nemutongo wakarurama; asi munhu wekugamuchira zvipo anoiparadza.

5 Munhu anobata wekwake kumeso anotandira nhanho dzake mumbure.

6 Pachitadzo chemunhu wakaipa pane musungo; asi wakarurama achaimba achifara.

7 Wakarurama anoziva nyaya yevarombo; wakaipa haanzwisisi ruzivo.

8 Vanhu vanoshora vanotungidza guta; asi vakachenjera vanodzora kutsamwa.

9 Munhu wakachenjera ane mhosva nemunhu benzi, kunyange akatsamwa, kunyange achiseka, asi hapana zororo.

10 Vanhu venyota yeropa vanovenga wakakwana; asi vechokwadi vanotsvaka mweya weupenyu wake.

11 Benzi rinobudisa mweya waro wose; asi wakachenjera anoupfimbika.

12 Mutongi anoteerera mashoko enhema, varanda vake vose vakaipa.

13 Murombo nemunhu wemanikidzo vanosangana; Jehovha anovhenekera meso avo vari vaviri.

14 Mambo anotonga varombo nekutendeka, chigaro chake cheushe chinomiswa nekusingaperi.

15 Shamhu nekutsiura zvinopa uchenjeri; asi mwana anongoregererwa anonyadzisa mai vake.

16 Pakuwanda kwevakaipa, chitadzo chinowanda; asi vakarurama vachaona kuwa kwavo.

17 Rairira mwanakomana wako, achakuzorodza; hongu, achapa mafaro kumweya weupenyu wako.

18 Pasina chiratidzo, vanhu vanoregwa; asi anochengeta murairo wakaropafadzwa.

19 Muranda haangarairwi nemashoko, kunyange achinzwisisa, asi haangapinduri.

20 Unoona here munhu anokurumidza pamashoko ake? Benzi rine tariro iri nani pana iye.

21 Anozhemwaidza muranda wake kubva paudiki, mugumo wake achavawo mwanakomana.

22 Munhu wakatsamwa anomutsa gakava; uye munhu ane hasha anowedzera chitadzo.

23 Kuzvikudza kwemunhu kuchamudukupisa; asi ane mweya unozvininipisa achava nerukudzo.

24 Anogovana nembavha anovenga mweya weupenyu wake; anonzwa chituko ndokusataura.

25 Kutya vanhu kunouisa musungo; asi anovimba naJehovha achaiswa pakakwirira akachengetedzeka.

26 Vazhinji vanotsvaka chiso chemutongi; asi kutonga kweumwe neumwe kunobva kuna Jehovha.

27 Munhu asakarurama chinyangadzo kune vakarurama; asi wechokwadi panzira chinyangadzo kune wakaipa.