ShonaTeam Proverbs « 28 »

28Akaipa anotiza kusina mudzingiriri; asi vakarurama vakashinga seshumba.

2 Nechitadzo chenyika machinda ayo mazhinji; asi nemunhu anonzwisisa ane ruzivo kururama kunorebeswa.

3 Murume anoshaiwa anomanikidza varombo imvura inoyeredza kuti pasava nezvekudya.

4 Vanosiya murairo vanorumbidza vakaipa; asi vanochengeta murairo vanokakavadzana navo.

5 Vanhu vakashata havanzwisisi mutongo; asi vanotsvaka Jehovha vanonzwisisa zvose.

6 Murombo anofamba muchokwadi chake ari nani pane wakamonyoroka padzinzira kunyange akafuma.

7 Anochengetedza murairo mwanakomana anonzwisisa; asi anofambidzana nevemadyo anonyadzisa baba vake.

8 Anowedzera fuma yake nekuberekesa nechimbadzo anoiunganidzira anetsitsi kuvarombo.

9 Anotsausa nzeve yake pakunzwa murairo, kunyange munyengetero wake chinyangadzo.

10 Anotsausa vakarurama nenzira yakaipa anowira mugomba rake amene; asi vari muchokwadi vanodya nhaka yezvakanaka.

11 Murume wakafuma wakachenjera pameso ake, asi murombo anonzwisisa anomunzvera.

12 Pakupembera kwevakarurama pane kubwinya kukuru; asi kana vakaipa vachisimuka, munhu anotsvakwa.

13 Anofukidza zvitadzo zvake haangabudiriri, asi anozvibvuma akazvisiya achawana nyasha.

14 Wakaropafadzwa munhu anogara achitya; asi anoomesa moyo wake achawira muchakaipa.

15 Mutungamiriri wakaipa pamusoro pevanhu varombo ishumba inoomba nebere rinopota-pota.

16 Muchinda anoshaiwa kunzwisisa kukuru anopamhidzirawo manikidzo; asi anovenga kuwana kusakarurama anorebesa mazuva.

17 Munhu, anomanikidzwa neropa remweya, achatizira kugomba; ngavarege kumutsigira.

18 Anofamba zvakarurama achaponeswa; asi wakatsauka panzira mbiri achawa pakarepo.

19 Anorima munda wake achaguta zvekudya; asi anodzingirira zvisina maturo achaguta urombo.

20 Munhu akatendeka kwazvo achapamhidzira maropafadzo; asi anokurumidza kufuma haangashaiwi mhosva.

21 Kutarisa zviso hakuna kunaka, nokuti murume achatadza nekuda kwechimedu chechingwa.

22 Anomhanyira kufuma munhu ane ziso rakaipa, uye haazivi kuti kushaiwa kuchauya kwaari.

23 Anotsiura munhu achazowana nyasha pashure, kupfuura anobata kumeso nerurimi.

24 Anopamba baba vake kana mai vake, achiti: Hachisi chitadzo; ishamwari yemuparadzi.

25 Ane mweya usingagutsikani anomutsa gakava; asi anovimba naJehovha achakodzwa.

26 Anovimba nemoyo wake, ibenzi; asi anofamba neuchenjeri achanunurwa.

27 Anopa kumurombo haangashaiwi; asi anoviga meso ake achava nezvituko zvizhinji.

28 Kana vakaipa vachisimuka, munhu anovanda; asi kana vachiparara, vakarurama vanowanda.