ShonaTeam Proverbs « 25 »

Zvimwe zvirevo zvaSoromoni

25Izviwo zvirevo zvaSoromoni, vanhu vaHezekia mambo wevaJudha zvavakakoponora.

2 Rukudzo rwaMwari kuvanza nyaya; asi rukudzo rwemadzimambo kunzvera nyaya.

3 Matenga pakukwirira, nenyika paudziku, nemoyo wemadzishe hazvinzvereki.

4 Bvisa marara pasirivha, zvino mudziyo wemunatsi uchabuda.

5 Bvisa wakaipa pamberi pamambo, uye chigaro chake cheushe chichasimbiswa mukururama.

6 Usazvikudza pamberi pamambo; uye usamira panzvimbo yevakuru.

7 Nokuti zviri nani kuti zvinzi kwauri: Kwira pano; pakuti uninipiswe pamberi pemuchinda meso ako waakaona.

8 Usakurumidza kubudira gakava; zvimwe ungaita chinhu pakupedzisira kwacho, wekwako paanenge akakunyadzisa.

9 Miririra nyaya yako newekwako, asi zano rakavanda reumwe usariratidza pachena.

10 Zvimwe munzwi angakunyadzisa, uye guhwa rako rikasadzoreka.

11 Shoko rinotaurwa nenguva dzaro dzakafanira maapuri egoridhe mumidziyo yesirivha.

12 Chindori chenzeve chegoridhe, nechishongo chegoridhe rakakwana, ndiye mutsiuri wakachenjera kunzeve inonzwa.

13 Nhume yakatendeka kune vanoituma yakaita sekutonhorera kwemagada echando pazuva rekukohwa; uye inovandudza mweya weupenyu wevana tenzi vayo.

14 Munhu anozvirumbidza nechipo chenhema wakaita semakore nemhepo zvisina mvura.

15 Mubati anobvumiswa nemoyo murefu, uye rurimi runyoro runovhuna pfupa.

16 Wawana uchi here? Idya hwakakukwanira; zvimwe ungagutswa nahwo ukahurutsa.

17 Rutsoka rwako rwusanyanya paimba yewekwako; zvimwe agutswa nezvako ndokukuvenga.

18 Munhu anopupurira wekwake nhema inyundo, nemunondo, nemuseve unopinza.

19 Kuvimba asingavimbiki nezuva rekutambudzika kwakafanana nezino rakagurika, nerutsoka rwakashodoka.

20 Anoimbira nziyo zhinji mumoyo akadumbirwa wakaita seanobvisa nguvo pazuva rechando, sevhiniga pasoda.

21 Kana anokuvenga ane nzara, umupe chingwa adye; uye kana ane nyota, umupe mvura anwe.

22 Nokuti uchatutira mazimbe pamusoro wake; uye Jehovha achakuripira.

23 Mhepo yemaodzanyemba inouisa mvura; uye rurimi rwechivande zviso zvakatsamwa.

24 Zviri nani kugara pakona yedenga reimba, pane mukadzi wemakakava neimba yekufambidzana.

25 Zvakanzwikwa zvakanaka kubva kunyika iri kure zvakaita semvura inotonhorera pamweya weupenyu wakaneta.

26 Chitubu chakabvongodzwa, netsime rakashatiswa, ndizvo zvakaita wakarurama anowa pamberi pewakaipa.

27 Kudya uchi hwakawanda hakuna kunaka; uye kuzvitsvakira rukudzo harwusi rukudzo.

28 Munhu asingadzori mweya wake wakaita seguta rakaputsika risina rusvingo.