ShonaTeam Proverbs « 24 »

24Usagodora vanhu vakaipa; uye usashuva kuva pamwe navo.

2 Nokuti moyo yavo inorangarira kuparadza; nemiromo yavo inotaura dambudziko.

3 Imba inovakwa neuchenjeri; uye inosimbiswa nekunzwisisa.

4 Zvino neruzivo makamuri anozadzwa nefuma inokosha uye inofadza.

5 Murume wakachenjera ane kugwinya; uye munhu weruzivo anosimbisa simba.

6 Nokuti nemazano akachenjera ungaita hondo yako; nekununurwa kuri muuwandu hwevapi vemazano.

7 Uchenjeri ukuru hwose hwakakwiririsa kubenzi; pasuwo harizaruri muromo waro.

8 Anoronga kuita chakaipa, iye vanomuti tenzi wemirangariro yakaipa.

9 Mufungo weupenzi chivi; uye museki chinyangadzo kuvanhu.

10 Ukazvitaridza kuremberera pazuva rekutambudzika, simba rako rakamanikana.

11 Nunura vanoiswa kurufu, nevanotatarikira kukuurawa; dai wavadzivisa.

12 Kana ukati: Tarira, hatina kuziva izvi; anonzvera moyo haangacherekedzi here? Anochengetedza mweya weupenyu wako haasi anoziva here? Iye anotsivira munhu zvichienderana nebasa rake?

13 Idya uchi, mwanakomana wangu, nokuti hwakanaka; nezinga reuchi rinotapira pamukanwa wako.

14 Rwakadaro ruzivo rweuchenjeri kumweya weupenyu wako; kana ukarwuwana, kuchava nemubairo; uye tariro yako haingagurwi.

15 Rega kuvandira, iwe wakaipa, paugaro hwevakarurama; usaparadza pane anozororera.

16 Nokuti wakarurama achawa kanomwe ndokumuka; asi vakaipa vachagumburwa mune zvakaipa.

17 Usafara pakuwa kwemuvengi wako; uye pakugumburwa kwake moyo wako ngaurege kufarisa;

18 zvimwe Jehovha azvione, zvive zvakaipa pameso ake, adzore hasha dzake dzibve kwaari.

19 Usazvinetsa nekuda kwevaiti vezvakaipa; usagodora nekuda kwevakaipa.

20 Nokuti wakaipa haana mubairo; mwenje wevakaipa uchadzimwa.

21 Mwanakomana wangu, itya Jehovha namambo; usafambidzana nevanongoshanduka shanduka.

22 Nokuti njodzi yavo ichamuka pakarepo; uye ndiani anoziva kuparara kwavo vari vaviri?

23 Izviwo ndezvevakachenjera: Kutarisa zviso pamutongo hazvina kunaka.

24 Anoti kune wakaipa: Iwe wakarurama; vanhu vachamutuka, marudzi achamusema.

25 Asi kune vanotsiura zvinofadza; uye pamusoro pavo panouya ropafadzo yakanaka.

26 Anopindura nemashoko akarurama achatsvoda miromo.

27 Gadzira basa rako nechekunze, uzvigadzirire iro pamunda; pashure ugovaka imba yako.

28 Usava chapupu kupikisa wekwako pasina chikonzero, kana kunyengera nemiromo yako.

29 Usati: Sezvaakandiitira, ndichaita saizvozvo kwaari; ndichatsivira kumunhu zvichienderana nebasa rake.

30 Ndakapfuura pamunda wesimbe, nepamunda wemizambiringa wemunhu anoshaiwa njere.

31 Zvino tarirai, zvose zvaiva zvamera minzwa; sora raiva rakafukidza chiso chawo; nerusvingo rwawo rwemabwe rwaiva rwakoromoka.

32 Zvino ini ndakatarira, ndakaisa moyo wangu; ndakaona, ndakagamuchira kudzidziswa.

33 Hope shomanene, kutsumwaira kushomanene, kumbofungatira maoko kushomanene, kuti kurarwe.

34 Saizvozvo urombo hwako huchasvika semufambi, nekushaiwa kwako kukuru semunhu akashonga zvombo.