ShonaTeam Proverbs « 23 »

23Kana ukagara kuti udye nemutungamiriri, cherekedza zvekucherekedza zviri pamberi pako.

2 Zvino uise banga pahuro pako, kana uri munhu wemadyo.

3 Usashuva zvinonaka zvake, nokuti ndezvekudya zhenhema.

4 Usashingairira kufuma; guma pakunzwisisa kwako.

5 Uchabhururusa meso ako zvisipo here? Nokuti fuma inozviitira zvekuzviitira mapapiro, segondo rinobhururukira kumatenga.

6 Usadya zvekudya zveane ziso rakaipa, uye usashuva zvinonaka zvake.

7 Nokuti sezvaanofunga mumoyo make, wakadaro; anoti kwauri: Idya unwe; asi moyo wake hausi pamwe newe.

8 Musuva wawadya, uchaurutsa, ukakanganisa mashoko ako akanaka.

9 Usataura munzeve dzebenzi, nokuti achazvidza uchenjeri hwemashoko ako.

10 Usafuzhura muganhu wekare; uye usapinda paminda yenherera.

11 Nokuti mudzikunuri wavo ane simba; iye achamiririra nyaya yavo newe.

12 Isa moyo wako kumurairo, nenzeve yako kumashoko eruzivo.

13 Usanyima mwana murango; kana uchimurova neshamhu haangafi.

14 Iwe uchamurova neshamhu, uye uchanunura mweya weupenyu wake mugehena.

15 Mwanakomana wangu, kana moyo wako wakachenjera, moyo wangu uchafara, hongu ini.

16 Neitsvo dzangu dzichapembera, miromo yangu paichataura zvakarurama.

17 Moyo wako ngaurege kugodora vatadzi; asi iva pakutya Jehovha zuva rose.

18 Nokuti zvirokwazvo kune mubairo; netarisiro yako haingagurwi.

19 Teerera, iwe mwanakomana wangu, uve wakachenjera, ururamise moyo wako munzira.

20 Usava pakati pevanwi vakuru vewaini, pakati pavanokarira kwazvo nyama.

21 Nokuti chidhakwa neane madyo vachava varombo; uye hope dzichapfekedza mamvemve.

22 Teerera kuna baba vako vakakubereka; uye usazvidza mai vako kana vachembera.

23 Tenga chokwadi, uye usatengesa, uchenjeri, nedzidzo, nenjere.

24 Baba vewakarurama vachafara zvikuru; uye mubereki wewakachenjera anofara maari.

25 Baba vako namai vako ngavafare; nemukadzi wakakubereka ngaafarisise.

26 Mwanakomana wangu, ndipe moyo wako; nemeso ako ngaachenjerere nzira dzangu.

27 Nokuti chifeve igoronga rakadzika; nemukadzi wekumwe gomba rakamanikana.

28 Naiye anovandira segororo; uye anowedzera vanyengedzeri pakati pevanhu.

29 Ndiani ane: Haiwa? Ndiani ane: Nhamo? Ndiani ane kukakavara? Ndiani ane kuchema? Ndiani ane mavanga pasina chikonzero? Ndiani ane meso matsvuku?

30 Ndeavo vanogarisa pawaini; ndeavo vanondotsvaka waini yakavhenganiswa.

31 Usatarira waini, painozvitaridza yakatsvuka, painopa mukombe ruvara rwayo, ichifamba yakarurama.

32Pakupedzisira kwayo inoruma senyoka, uye inobaya semvumbi.

33 Meso ako achaona vakadzi vekumwe, nemoyo wako uchataura zvakatsauka.

34 Hongu, uchava seakarara pamoyo wegungwa, kana searere pamusoro wedanda rechikepe.

35Uchati: Vakandirova, handina kurwadziwa, vakandidambura, handina kucherekedza. Ndichamuka rinhi? Ndichatsvakazve zvekare.