ShonaTeam Proverbs « 21 »

21Moyo wamambo uri muruoko rwaJehovha sehova dzemvura; anoutandavadzira kupi nekupi kwaanoda.

2 Nzira ipi neipi yemunhu yakarurama pameso ake, asi Jehovha anonzvera moyo.

3 Kuita kururama nemutongo kwakasarudzwa kuna Jehovha pane chibairo.

4 Kukwirira kwemeso nekupamhamha kwemoyo nekurima kwevakaipa chivi.

5 Ndangariro dzevashingairi dziri pakuwanza chete; asi dzewose anokurumidzisa dziri pakushaiwa chete.

6 Kuita fuma nerurimi rwenhema kushaya maturo kunopepereka kwevanotsvaka rufu.

7 Kupamba kwevakaipa kunovakweva, nokuti vanoramba kuita zvakarurama.

8 Nzira yemunhu yakaminama uye ine mhosva, asi wakachena basa rake rakarurama.

9 Zviri nani kugara pakona yedenga reimba, pane mukadzi wemakakava neimba yekufambidzana.

10 Mweya weupenyu wewakaipa unoshuva zvakaipa; wekwake haagamuchiri nyasha pameso ake.

11 Kana museki achirangwa, asina ruzivo anova wakachenjera; nepanorairwa wakachenjera anogamuchira ruzivo.

12 Wakarurama anocherekedza imba yewakaipa; anowisira vakaipa muzvakaipa.

13 Anodzivira nzeve yake pakuchema kwemurombo, iyewo achadana asingapindurwi.

14 Chipo chepachivande chinoderedza hasha, nepfumbamuromo pachipfuva kupfuta kwakasimba.

15 Mufaro kune wakarurama kuita zvakanaka; asi kuparara kuvaiti vezvakaipa.

16 Munhu, anotsauka panzira yekunzwisisa, achagara paungano yemweya yakafa.

17 Anoda mafaro achava murombo; anoda waini nemafuta haangafumi.

18 Wakaipa rudzikunuro rwewakarurama, nemudariki pachinzvimbo chevari pachokwadi.

19 Zviri nani kugara munyika iri renje pane mukadzi wemakakava nehasha.

20 Fuma inoshuviwa uye mafuta ari muugaro hwewakachenjera, asi benzi rinozvimedza.

21 Anodzingirira kururama neunyoro achawana upenyu, kururama, nerukudzo.

22 Wakachenjera anokwira muguta revane simba, achiwisira pasi simba rechivimbo charo.

23 Anochengeta muromo wake nerurimi rwake anochengeta mweya weupenyu wake pamatambudziko.

24 Museki anozvikudza ane manyawi izita rake; anobata nehasha nekuzvikudza.

25 Chishuvo chesimbe chichaiuraya, nokuti maoko ayo anoramba kushanda.

26 Zuva rose achishuva chishuvo; asi wakarurama achapa asinganyimi.

27 Chibairo chevakaipa chinyangadzo; zvikuru sei kana vachiuya nacho mune zvakaipa.

28 Chapupu chenhema chichaparara; asi munhu anoteerera achitaura rinhi narinhi.

29 Munhu wakaipa anoomesa chiso chake; asi wakarurama iye anocherekedza nzira yake.

30 Hakuna uchenjeri, uye hakuna njere, uye hakuna zano, zvingarwisa Jehovha.

31 Bhiza rinogadzirirwa zuva rehondo, asi kununurwa kunobva kuna Jehovha.