ShonaTeam Proverbs « 20 »

20Waini museki; zvinwiwa zvine simba zvine ruzha; naizvozvo ani nani anotsauka mazviri haana kuchenjera.

2 Kutyisa kwamambo kwakaita sekuomba kwehando yeshumba; anomutsamwisa anotadzira mweya weupenyu wake.

3 Kune rukudzo kumunhu anoguma pagakava; asi benzi rimwe nerimwe rinokakavara.

4 Nekuda kwechando simbe hairimi; saka achapemha pakukohwa, asi kusina chinhu.

5 Zano mumoyo wemunhu rakaita semvura yakadzika; asi munhu wekunzwisisa achaichera.

6 Ruzhinji rwevanhu rwunodanidzira, umwe neumwe kunaka kwake; asi ndiani achawana munhu wekutendeka kukuru?

7 Wakarurama anofamba muuchokwadi hwake; vakaropafadzwa vana vake vanomutevera.

8 Mambo agere pachigaro chekutonga anoparadzira chakaipa chose nemeso ake.

9 Ndiani anoti: Ndachenesa moyo wangu, ndanatswa pachivi changu?

10 Ibwe rezviyero zvakasiyana, efa rakasiyana-siyana, chinyangadzo kuna Jehovha, hongu zviri zviviri.

11 Kunyange mwana anozvizivisa nezviito zvake, kana basa rake rakachena, uye kana rakarurama.

12 Nzeve inonzwa neziso rinoona, Jehovha wakazviita, hongu zviri zviviri.

13 Usada hope, zvimwe ungava murombo; svinudza meso ako, gutiswa nechingwa.

14 Chakaipa, chakaipa! anoreva mutengi; asi kana oenda, ipapo anozvirumbidza.

15 Goridhe ririko, neuwandu hwemabwe anokosha; asi miromo yeruzivo chishongo chinokosha.

16 Tora nguvo yake iye ari chibatiso chemutorwa; uye umubate ave chibatiso chemukadzi mutorwa.

17 Chingwa chenhema chinotapira kumunhu, asi pashure muromo wake uchazara nerukangarabwe.

18 Mirangariro unoimisa pakurangana; naizvozvo ita hondo neurongwa hwakanaka.

19 Anofamba ane makuhwa anobudisa zvakavanda; naizvozvo usazvisanganisa neanonyengera nemiromo yake.

20 Anotuka baba vake kana mai vake, mwenje wake uchadzimwa parima rakasviba.

21 Nhaka yakawanikwa nekukurumidza pakutanga, asi kuguma kwayo hakungaropafadzwi.

22 Usati: Ndichatsiva zvakaipa; mirira Jehovha, zvino achakuponesa.

23 Mabwe ekuyera akasiyana chinyangadzo kuna Jehovha; nechikero chinonyengedzera hachina kunaka.

24 Nhanho dzemurume dzinobva kuna Jehovha; zvino munhu anganzwisisa sei nzira yake?

25 Musungo kumunhu kumedza chitsvene, nekuzofungisisa shure kwemhiko.

26 Mambo wakachenjera anoparadzira vakaipa, ndokudzosera vhiri pamusoro pavo.

27 Mweya wemunhu mwenje waJehovha; unonzvera makamuri ose edumbu.

28 Nyasha nechokwadi zvinochengeta mambo; uye anotsigira chigaro chake cheushe nerudo.

29 Rumbidzo yemajaya isimba rawo, uye rukudzo rwevatana ivhudzi rakachena.

30 Mavanga eronda anonatsa chakaipa; saizvozvo shamhu dzemakamuri edumbu.