ShonaTeam Proverbs « 19 »

19Murombo anofamba muchokwadi chake ari nani pane wakatsauka pamiromo yake asi ari benzi.

2 Uye mweya weupenyu usina ruzivo hauna kunaka; uye anokurumidza netsoka anotadza.

3 Upenzi hwemunhu hunotsausa nzira yake; uye moyo wake unotsamwira Jehovha.

4 Fuma inowedzera shamwari zhinji; asi murombo anoparadzaniswa neshamwari yake.

5 Chapupu chemanyepo hachingaregi kurangwa; neanofema nhema zhinji haangapukunyuki.

6 Vazhinji vanogombetedza nyasha dzemachinda; uye umwe neumwe ishamwari yemunhu wechipo.

7 Hama dzose dzemurombo dzinomuvenga; zvikuru sei shamwari dzake dzichienda kure naye! Akavadzingirira nemashoko asi havapo!

8 Anotenga kunzwisisa anoda mweya weupenyu wake; anongwarira uchenjeri kuwana zvakanaka.

9 Chapupu chemanyepo hachingaregi kurangwa; neanofema nhema zhinji achaparara.

10 Kugarika hakuna kufanira benzi; zvikuru sei kuti muranda atonge machinda.

11 Kunzwisisa kwemunhu kunononosa kutsamwa kwake; nerukudzo rwake kupfuura chitadzo.

12 Kutsamwa kwamambo kwakafanana nekuomba kwehando yeshumba; asi nyasha dzake dzakaita sedova pauswa.

13 Mwanakomana benzi imharadzi huru kuna baba vake; nemakakava emukadzi kudonha kwemvura kusingaperi.

14 Dzimba nefuma inhaka yemadzibaba; asi mukadzi wakangwara anobva kuna Jehovha.

15 Usimbe hunowisira pahope huru; uye mweya weupenyu uri nyope uchava nenzara.

16 Anochengeta murairo anochengeta mweya weupenyu wake; anozvidza nzira dzake achafa.

17 Anonzwira murombo anokweretesa Jehovha; uye achamuripira basa rake.

18 Ranga mwanakomana wako tariro ichipo; asi usashuva kufa kwake.

19 Ane hasha zvikuru achatora muripo; nokuti kana uchinunura unenge uchingoramba uchizviita.

20 Teerera zano uye gamuchira murairo, kuti uve wakachenjera pakuguma kwako.

21 Kune mano akawanda pamoyo wemunhu; asi zano raJehovha ndiro richamira.

22 Chinoshuviwa pamunhu unyoro hwake; uye murombo ari nani pamunhu wenhema.

23 Kutya Jehovha kunoisa kuupenyu; uye anako achagara akaguta; haangavingwi nezvakaipa.

24 Simbe inoviga ruoko rwayo mundiro, uye haingarwudzoseri kumuromo wayo.

25 Rova mutuki, zvino asina ruzivo achangwara; uye tsiura anonzwisisa, achanzwisisa ruzivo.

26 Anoparadza baba, anodzinga mai, mwanakomana anonyadzisa nekuita chinyadzo.

27 Rega, mwanakomana wangu, kuteerera kurairwa, neanokutsausa pamashoko eruzivo.

28 Chapupu chakaipa chinotuka kururama; uye muromo wevakaipa unomedza uipi.

29 Mitongo yakagadzirirwa vatuki; neshamhu zhinji misana yemapenzi.