ShonaTeam Proverbs « 18 » |
18Anozviparadzanisa anongotsvaka chishuvo; anopazira uchenjeri hwakanaka hwose.
2 Benzi harifari mukunzwisisa, asi kuti moyo waro ufukurwe.
3 Kana wakaipa achiuya, kuzvidza kunouyawo; pamwe chete nezvinonyadzisa, kushora kunouyawo.
4 Mashoko emuromo wemunhu imvura yakadzika; chitubu chenjere rukova rwunoyerera.
5 Hazvina kunaka kugamuchira chiso chewakaipa, kutsausa wakarurama pamutongo.
6 Miromo yebenzi inopinda pagakava; nemuromo waro unodana shamhu zhinji.
7 Muromo webenzi kuparadzwa kwaro; uye miromo yaro musungo wemweya weupenyu waro.
8 Mashoko emucheri akaita semisuva inomedzwa nekukurumidza; iyo ndoburukira mukati-kati medumbu.
9 Neari simbe pabasa rake, iye munin'ina wenyanzvi yeuparadzi.
10 Zita raJehovha ishongwe yakasimba; wakarurama achamhanyira kwairi agomiswa akachengeteka.
11 Fuma yemufumi iguta rake rakasimba, uye serusvingo rurefu pakufunga kwake.
12 Moyo wemunhu anozvikudza kuparadzwa kusati kwavapo; uye kuzvininipisa kunotangira rukudzo.
13 Anopindura nyaya asati anzwa, upenzi nechinyadzo kwaari.
14 Mweya wemunhu uchatsigira kurwara kwake; asi ndiani angatakura mweya wakaputsika?
15 Moyo weanonzwisisa unowana ruzivo; uye nzeve yewakachenjera inotsvaka ruzivo.
16 Chipo chemunhu chinomuzarurira pakafaranuka, uye chinomutungamirira pamberi pevakuru.
17 Anotanga pamhosva yake anoonekwa akarurama; asi wekwake anosvika ndokumuferefeta.
18 Mujenya unopedza magakava, uye unoparadzanisa pakati pevane simba.
19 Hama yatadzirwa inopfuura guta rakasimba; uye makakava akaita sechipfigiso cheimba yamambo.
20 Dumbu remunhu rinogutswa nezvibereko zvemuromo wake; achaguta nezvinowanikwa zvemiromo yake.
21 Rufu neupenyu zviri muruoko rwerurimi; uye vanoruda vachadya chibereko charwo.
22 Wawana mukadzi wawana chakanaka, uye wagamuchira nyasha kuna Jehovha.
23 Murombo anotaura mikumbiro, asi mufumi anopindura zvinhu zvehasha.
24 Munhu ane shamwari zhinji achaparara; asi kune mudikanwi anonamatira kupfuura hama.