ShonaTeam Proverbs « 15 »

15Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa; asi shoko rinorwadza rinomutsa hasha.

2 Rurimi rwevakachenjera rwunoita ruzivo rwuve rwakanaka; asi muromo wemapenzi unodurura upenzi.

3 Meso aJehovha ari panzvimbo imwe neimwe, achicherekedza vakaipa nevakanaka.

4 Rurimi rwakagwinya muti weupenyu; asi kutsauka parwuri kuputsika mumweya.

5 Benzi rinozvidza kurairira kwababa varo; asi ane hanya nekutsiurwa wakangwara.

6Muimba yewakarurama mune fuma zhinji; asi pazvibereko zvewakaipa pane dambudziko.

7 Miromo yevakachenjera inokusha ruzivo; asi moyo wemapenzi haudaro.

8 Chibairo chevakaipa chinyangadzo kuna Jehovha; asi munyengetero wevakarurama mufaro wake.

9 Nzira yewakaipa chinyangadzo kuna Jehovha; asi anoda anodzingirira kururama.

10 Kurangwa kwakaipa kune anosiya nzira; anovenga kutsiurwa achafa.

11 Sheori nekuparadza zviri pamberi paJehovha; zvikuru sei moyo yevana vevanhu.

12 Mutuki haadi anomutsiura; haaendi kune vakachenjera.

13 Moyo wakafara unofarisisa chiso; asi nekushungurudzika kwemoyo mweya unoputsika.

14 Moyo unonzwisisa unotsvaka ruzivo; asi muromo wemapenzi unodya upenzi.

15 Mazuva ose eanotambudzika akaipa; asi moyo wakafara mabiko rinhi narinhi.

16 Zviri nani zvishoma zvine kutya Jehovha, pane fuma zhinji uye matambudziko mairi.

17 Zviri nani zvekudya zvemiriwo uye rudo ruripo, pane nzombe yakakodzwa uye pane mbengo.

18 Munhu ane hasha anomutsa kukakavara; asi ane moyo murefu anonyaradza gakava.

19 Nzira yesimbe yakaita seruzhowa rweminzwa; asi gwara revakarurama rakasimudzirwa.

20 Mwanakomana wakachenjera anofadza baba; asi munhu benzi anozvidza mai vake.

21 Upenzi mufaro kune anoshaiwa pfungwa; asi munhu anonzwisisa anoruramisa kufamba kwake.

22 Mazano asina kurairwa anokona; asi nevarairiri vazhinji achamira.

23 Munhu ane mufaro nemhinduro yemuromo wake; uye shoko nenguva yaro rakanaka sei!

24 Nzira yeupenyu kune wakachenjera inoenda pamusoro; kuti atendeuke kubva pagehena pasi.

25 Jehovha achaputsa imba yevanozvikudza; asi achasimbisa muganhu wechirikadzi.

26 Mirangariro yewakaipa chinyangadzo kuna Jehovha; asi mashoko anofadza akachena.

27 Anopamba zvinowanikwa anotambudza imba yake; asi anovenga zvipo achararama.

28 Moyo wewakarurama unofunganya kupindura; asi muromo wevakaipa unodurura zvinhu zvakashata.

29 Jehovha ari kure nevakaipa; asi anonzwa munyengetero wevakarurama.

30 Chiedza chemeso chinofadza moyo; zvakanzwikwa zvakanaka zvinokodza mapfupa.

31 Nzeve inoteerera kutsiurwa kweupenyu inogara pakati pevakachenjera.

32 Ani nani anoramba kurairwa anozvidza mweya weupenyu wake, asi anoteerera kutsiurwa anowana kunzwisisa.

33 Kutya Jehovha kudzidziswa kweuchenjeri; uye kuzvininipisa kunotangira rukudzo.