ShonaTeam Proverbs « 14 »

14Mukadzi umwe neumwe wakachenjera anovaka imba yake; asi mukadzi benzi anoiputsa nemaoko ake.

2 Anofamba mukururama kwake anotya Jehovha; asi wakatsauka panzira dzake anomuzvidza.

3 Mumuromo mebenzi mune shamhu yekuzvikudza; asi miromo yevakachenjera inovachengetedza.

4 Pasina dzinzombe chidyiro chakachena; asi kune goho guru nesimba renzombe.

5 Chapupu chakatendeka kwazvo hachirevi nhema zhinji; asi chapupu chenhema chinofema nhema zhinji.

6 Mutuki anotsvaka uchenjeri, asi hahupo; asi ruzivo rwakareruka kune anonzwisisa.

7 Ibva pamberi pemunhu benzi, kana usingaongorori kwaari miromo yeruzivo.

8 Uchenjeri hweakangwara kunzwisisa nzira yake; asi upenzi hwemapenzi unyengeri.

9 Mapenzi anoseka pachivi; asi pakati pevakarurama pane nyasha.

10 Moyo unoziva kurwadziwa kwawo pachawo; uye mweni haangagoverani nemufaro wawo.

11 Imba yewakaipa ichaparadzwa; asi tende rewakarurama richatunga.

12 Pane nzira yakarurama mukuona kwemunhu; asi kuguma kwayo inzira dzerufu.

13 Kunyange pakuseka moyo uri mumarwadzo; uye kuguma kwemufaro uyu kushungurudzika.

14 Anodzokera shure pamoyo achaguta kubva panzira dzake, asi munhu wakanaka kubva pachake.

15 Asina ruzivo anotenda shoko rimwe nerimwe; asi wakachenjera anongwarira nhanho yake.

16 Wakachenjera anotya uye anobva pane zvakaipa; asi benzi rinotsamwa uye richizvivimba.

17 Anokurumidza kutsamwa anoita neupenzi; uye munhu wemazano akaipa anovengwa.

18 Vasina ruzivo vanogara nhaka yeupenzi; asi vakangwara vanodzikwa korona yeruzivo.

19 Vakaipa vanokotama pamberi pevakanaka, nevakashata pamasuwo ewakarurama.

20 Murombo anovengwa kunyange newekwake; asi vanoda wakafuma vazhinji.

21 Anozvidza wekwake anotadza; asi ane tsitsi kuvarombo wakaropafadzwa.

22 Vanoronga zvakaipa havatadzi here? Asi nyasha nechokwadi ndezvevanoronga zvakanaka.

23 Pakushingaira kose pane mubairo; asi shoko remiromo rinounza kushaiwa chete.

24 Korona yevakachenjera ifuma yavo; upenzi hwemapenzi upenzi.

25 Chapupu chechokwadi chinonunura mweya yeupenyu; asi anofema nhema munyengeri.

26 Pakutya Jehovha pane chivimbo chakasimba; uye vana vake vachava neutiziro.

27 Kutya Jehovha chitubu cheupenyu, kutendeuka kubva pamisungo yerufu.

28 Kushonga kwamambo kuri pakuwanda kwevanhu; asi kuparadzwa kwemutongi kuri pakushaikwa kwevanhu.

29 Anononoka kutsamwa ndewekunzwisisa kukuru; asi ane mweya mupfupi anokurisa upenzi.

30 Moyo wakagwinya upenyu hwenyama; asi godo kuora kwemapfupa.

31 Mumanikidzi wemurombo anotuka Muiti wake; asi ane tsitsi kune anoshaiwa anomukudza.

32 Wakaipa anowisirwa pasi muzvakaipa zvake; asi wakarurama ane tariro pakufa kwake.

33 Uchenjeri hunogara pamoyo weanonzwisisa; asi zviri mukati memapenzi zvinozikanwa.

34 Kururama kunokwiridzira rudzi; asi chivi chinyangadzo kuvanhu.

35 Nyasha dzamambo dziri pamuranda wakachenjera; asi hasha dzake dzichava pane anonyadzisa.