ShonaTeam Proverbs « 13 »

13Mwanakomana wakachenjera anoteerera kuraira kwababa; asi muzvidzi haateereri kutsiurwa.

2 Munhu achadya zvakanaka kubva pachibereko chemuromo; asi mweya wevatsauki kumanikidza.

3 Anochengetedza muromo wake anochengeta mweya weupenyu wake; anoshamisa miromo yake kwazvo, kuparara kwaari.

4 Mweya weupenyu wesimbe unopanga, asi hapana chinhu; asi mweya wevanoshingaira unokodzwa.

5 Wakarurama anovenga shoko renhema; asi wakaipa anonhuhwa, achanyadzisa.

6 Kururama kunochengetedza wakakwana munzira; asi uipi hunoparadza mutadzi.

7 Aripo anozvifumisa asi haana chinhu; aripo anozviita murombo asi ane fuma zhinji.

8 Rudzikunuro rweupenyu hwemunhu ifuma yake; asi murombo haanzwi kutsiurwa.

9 Chiedza chevakarurama chinofara; asi mwenje wevakaipa uchadzimwa.

10 Kuzvikudza kunouisa gakava chete; asi uchenjeri huri kune vakarairwa.

11 Fuma kubva pasina ichatapudzwa; asi anounganidza neruoko anowedzera.

12 Tariro inononoka inoodza moyo; asi chishuvo chinouya muti weupenyu.

13 Anozvidza shoko achaparadzwa; asi anotya murairo ndiye achapiwa mubairo.

14 Dzidziso yewakachenjera chitubu cheupenyu, kuti ubve pamisungo yerufu.

15 Kunzwisisa kwakanaka kunopa nyasha; asi nzira yevasina kutendeka yakaoma.

16 Wose akachenjera anoita neruzivo; asi benzi rinoparadzira upenzi.

17 Nhume yakaipa inowira muchakaipa; asi mutumwa wekutendeka kukuru anoporesa.

18 Urombo nenyadzi ndezveanoramba kudzidziswa; asi anochenjerera kutsiurwa achakudzwa.

19 Chishuvo chaitwa chinotapira kumweya weupenyu; asi chinyangadzo kumapenzi kutendeuka kubva pazvakaipa.

20 Anofamba nevakachenjera achachenjera; asi mufambidzani wemapenzi achatambura nezvakaipa.

21 Uipi hunodzingirira vatadzi; asi vakarurama vacharipirwa nezvakanaka.

22 Wakanaka achagarisa vana vevana nhaka; asi fuma yemutadzi inochengeterwa wakarurama.

23 Zvekudya zvizhinji zviri mumunda wemurombo; asi ariko anokukurwa nekushaya mutongo.

24 Anorega shamhu yake anovenga mwanakomana wake; asi anomuda anomutsvakira murango nekukurumidza.

25 Wakarurama anodya kusvika pakuguta kwemweya weupenyu wake; asi dumbu rewakaipa richashaiwa.