ShonaTeam Proverbs « 11 »

11Chiyero chinonyengedzera chinyangadzo kuna Jehovha; asi dombo rekuyera rakakwana mufaro wake.

2Kana kuzvikudza kuchisvika kunosvika nenyadzi; asi kune vanozvininipisa kune uchenjeri.

3 Uchokwadi hwewakarurama hunovatungamirira; asi kutsauka kwevanyengeri kuchavaparadza.

4 Fuma haibatsiri nezuva rehasha; asi kururama kunonunura parufu.

5 Kururama kwevakakwana kunoruramisa nzira yake; asi wakaipa anowa nekuipa kwake.

6 Kururama kwevari pachokwadi kunovanunura; asi vanonyengedzera vachabatwa muchishuvo chavo.

7 Kana munhu wakaipa achifa, tariro yake inoparara; uye tarisiro yevane simba inoparadzwa.

8 Wakarurama anonunurwa pakutambudzika; asi wakaipa anopinda pachinzvimbo chake.

9 Nemuromo munyepedzeri anoparadza wekwake; asi neruzivo vakarurama vachanunurwa.

10 Nebudiriro yevakarurama guta rinofara; uye pakuparara kwevakaipa kune mufaro.

11 Neropafadzo yevakarurama guta rinokudzwa; asi nemuromo wevakaipa rinoputswa.

12 Anoshaya ruzivo anozvidza wekwake; asi munhu anonzwisisa anonyarara.

13 Anofamba ane makuhwa anofukura zvakavanda; asi wakavimbika pamoyo anoviga nyaya.

14 Pasina mazano vanhu vanowa; asi kununurwa kuri muuwandu hwevapi vemazano.

15 Wakaita chibatiso pamutorwa achatambudzika zvakaipa; asi anovenga kuita chibatiso wakachengeteka.

16 Mukadzi ane nyasha anobata rukudzo; uye vane simba vanobata fuma.

17 Munhu ane tsitsi anoitira mweya weupenyu wake zvakanaka; asi ane utsinye anotambudza nyama yake.

18 Wakaipa anoita basa rekunyengera; asi anodzvara kururama ane mubairo wechokwadi.

19 Sezvo kururama kuri kweupenyu, zvakadaro anodzingirira chakaipa ndiko kufa kwake.

20 Vakatsauka pamoyo chinyangadzo kuna Jehovha; asi vakakwana panzira ndivo mufaro wake.

21 Ruoko muruoko wakaipa haangaregi kurangwa; asi mbeu yevakarurama ichapukunyuka.

22 Chindori chegoridhe mumhino yenguruve, wakadaro iye mukadzi wakanaka kumeso akatsauka papfungwa.

23 Chishuvo chevakarurama chakanaka chete; tariro yevakaipa ihasha.

24 Aripo anoparadzira asi zvizhinji zvichiwedzerwa; neanonyima kupfuura zvakafanira, koga kuti ashaiwe.

25 Mweya weupenyu unopavhurira uchakodzwa; uye anodiridza iye achadiridzwawo.

26 Unonyima zviyo, vanhu vachamutuka; asi ropafadzo ichava pamusoro pemusoro weanotengesa.

27 Anotsvakisisa zvakanaka, anotsvaka nyasha; asi anotsvaka zvakaipa, zvichauya kwaari.

28 Anovimba nefuma yake iye achawa; asi vakarurama vachatunga semashizha.

29 Anotambudza imba yake achagara nhaka yemhepo; uye benzi richava muranda wewakachenjera pamoyo.

30 Chibereko chevakarurama muti weupenyu; uye anowana mweya yeupenyu wakachenjera.

31 Tarirai, wakarurama achapiwa mubairo panyika; zvikuru sei wakaipa nemutadzi!