ShonaTeam Proverbs « 10 » |
Zvirevo zvaSoromoni
10Zvirevo zvaSoromoni.
Mwanakomana wakachenjera anofadza baba; asi mwanakomana benzi marwadzo kuna mai vake.
2 Fuma zhinji yezvakaipa haibatsiri; asi kururama kunonunura parufu.
3 Jehovha haaregi mweya weupenyu wewakarurama uchiva nenzara; asi anosundidzira chishuvo chevakaipa.
4 Anoshanda neruoko rwakaremberera anova murombo; asi ruoko rwevanoshingaira rwunofumisa.
5 Anounganidza muzhizha mwanakomana wakachenjera; asi anorara mukukohwa mwanakomana anonyadzisa.
6 Maropafadzo ari mumusoro mevakarurama; asi muromo wevakaipa unovanza kumanikidza.
7 Kurangarirwa kwewakarurama ndekweropafadzo; asi zita rewakaipa richaora.
8 Ane moyo wakachenjera anogamuchira mirairo; asi benzi pamiromo richawisirwa pasi.
9 Anofamba muchokwadi anofamba akachengeteka; asi anotsaudzira nzira dzake achazikanwa.
10 Anochonya ziso anouisa dambudziko; uye benzi pamiromo richawisirwa pasi.
11 Muromo wewakarurama chitubu cheupenyu; asi muromo wewakaipa unovanza kumanikidza.
12 Mbengo dzinomutsa gakava; asi rudo runofukidza zvitadzo zvose.
13 Pamiromo yeane njere panowanikwa uchenjeri; asi shamhu pamusana weanoshaiwa njere.
14 Vakachenjera vanozvichengetera ruzivo; asi muromo webenzi uri pedo nekuparadzwa.
15 Fuma yemufumi iguta rake rakasimba; kuparara kwevarombo urombo hwavo.
16 Basa rewakarurama ndereupenyu; zvinobudiswa newakaipa ndezvechivi.
17 Anoteerera kurairirwa ari panzira yeupenyu; asi anosiya kutsiurwa anotsausa.
18 Anovanza kuvenga ndewemiromo yenhema; neanobudisa guhwa ibenzi.
19 Pauwandu hwemashoko kudarika hakudereri; asi anodzora miromo yake ane uchenjeri.
20 Rurimi rwewakarurama isirivha yakasarudzwa; moyo wevakaipa wakaita sechinhu chidiki.
21 Miromo yewakarurama inofunda vazhinji; asi mapenzi anofa nekushaiwa ruzivo.
22 Ropafadzo yaJehovha ndiyo inofumisa; uye haiwedzeri dambudziko kwahwuri.
23 Kubenzi kuita zvakaipa kwakaita sekutamba; hwakadaro uchenjeri kumunhu wekunzwisisa.
24 Izvo wakaipa zvaanotya zvichamusvikira; asi chishuvo chewakarurama chichapiwa.
25 Sekupfuura kwechamupupuri, wakadaro wakaipa haapo; asi wakarurama inheyo yekusingaperi.
26 Sevhininga pamazino, uye seutsi pameso, wakadaro ari simbe kune vanomutuma.
27 Kutya Jehovha kunowedzera mazuva; asi makore evakaipa achapfupiswa.
28 Tariro yevakarurama mufaro; asi tarisiro yevakaipa ichaparara.
29 Nzira yaJehovha inhare kune wakarurama; asi kuparara kuvaiti vezvakaipa.
30 Wakarurama haazununguswi nekusingaperi; asi vakaipa havangagari panyika.
31 Muromo wewakarurama unobudisa uchenjeri; asi rurimi rwekutsauka kukuru rwuchagurwa.
32 Miromo yewakarurama inoziva chinhu chinofadza; asi muromo wewakaipa unoziva zvitadzo.