ShonaTeam Proverbs « 7 »

Kunyengedzera kwechifeve

7Mwanakomana wangu, chengetedza mashoko angu, nemirairo yangu uvige kwauri.

2 Chengetedza mirairo yangu ugorarama, nemurau wangu semboni yemaziso ako.

3 Uzvisungire paminwe yako; uzvinyore pahwendefa remoyo wako.

4 Uti kuuchenjeri: Uri hanzvadzi yangu; utumidze kunzwisisa kuti hama.

5 Kuti zvikuchengetedze pamukadzi wekumwe, pamukadzi mutorwa anobata kumeso nemashoko ake.

6 Nokuti ndakatarira pahwindo reimba yangu, pautanda hwehwindo rangu.

7 Zvino ndakaona pakati pevasina mano, ndikacherekedza pakati pevechidiki, jaya rakashaiwa njere;

8 richipfuura munhandare yemumusha pedo nekona yake, richifamba nenzira yeimba yake;

9 parubvunzavaeni, pamadekwani ezuva, parima reusiku kwakasviba.

10 Zvino tarira, mukadzi wakamuchingamidza, ane chipfeko chechifeve, neunyengeri pamoyo.

11 Ane ruzha, uye wakasindimara; tsoka dzake hadzigari mumba make.

12 Iyezvi ari panze, iyezvi ari munhandare dzemumusha, uye anovandira pakona imwe neimwe.

13 Zvino anoribata, ndokuritsvoda, ndokuomesa chiso chake, ndokuti kwariri:

14 Zvibairo zvezvipo zvekuyananisa zviri kwandiri; nhasi ndaripa mhiko dzangu.

15 Naizvozvo ndabuda kukuchingamidza, kutsvakisisa chiso chako; zvino ndakuwana.

16 Ndakawarira mubhedha wangu nemachira ane ukomba, micheka yakapfava ine mavara inobva Egipita.

17 Ndakasasa mubhedha wangu nemura, gavakava, nekinamoni.

18 Uya, tizvigutse nerudo rukuru kusvika mangwanani; tizvifadze nekudanana kukuru.

19 Nokuti murume haapo mumba make; wakafamba rwendo kure.

20 Wakatora hombodo yemari muruoko rwake; pazuva rejenaguru achadzoka kumba kwake.

21 Anoritsausa nekuwanda kwedzidziso yake; anorigombedzera nekubata kumeso kwemiromo yake.

22 Pakarepo rinomutevera senzombe ichienda kunobaiwa, uye seari muzvisungo kuenda pakurangwa;

23 kusvika museve watsemura chiropa chake; seshiri inokurumidzira kurudzingi, uye isina kuziva kuti rwunorwisa upenyu hwayo.

24 Naizvozvo ikozvino, imwi vana, inzwai kwandiri, muteerere kumashoko emuromo wangu.

25 Moyo wako ngaurege kutsaukira kunzira dzake; usadzungaira mumakwara ake.

26 Nokuti akawisira pasi vazhinji vakakuvadzwa; nevose vakaurawa vake vakawanda.

27 Imba yake inzira dzegehena, dzinoburukira kumakamuri erufu.