ShonaTeam Proverbs « 6 »

Njodzi yechibatiso

6Mwanakomana wangu, kana uri chibatiso cheumwe wako, wakarovera mutorwa ruoko rwako;

2 wateyiwa nemashoko emuromo wako; wakabatwa nemashoko emuromo wako.

3 Ita izvi ikozvino, mwanakomana wangu, uzvinunure, sezvo wauya muruoko rweumwe wako: Enda, uzvininipise, ugogombetedza umwe wako.

4 Usapa meso ako hope, nekutsumwaira kumafunhiro emeso ako.

5 Uzvinunure semhara paruoko rwemuvhimi, uye seshiri paruoko rwemuteyi weshiri.

Simbe inotukwa

6 Enda kumujuru, iwe simbe; ona nzira dzawo ugochenjera!

7 Unoti, usina mutungamiriri, mutariri, nemutongi,

8 unogadzira chingwa chawo muzhizha, unounganidza zvekudya zvawo mukukohwa.

9 Kusvika rinhi, iwe simbe, wakarara? Uchamuka rinhi pahope dzako?

10 Dzihope shomanene, kutsumwaira tsumwaira kushomanene, kumbofungatira maoko kushomanene, kuti urare,

11 ipapo urombo hwako hunosvika semufambi, nekushaiwa kwako semunhu wakashonga zvombo.

Zvinovengwa naMwari

12 Munhu asina maturo, murume wezvakaipa, anofamba nemuromo wakatsauka;

13 anobwaira nemeso ake, achitaura netsoka dzake, achirairidza neminwe yake.

14 Kudarika kukuru kuri mumoyo make; achironga zvakaipa nenguva dzose, anokanda kupesana kukuru.

15 Naizvozvo nekukurumidza dambudziko rake rinosvika; pakarepo achavhuniwa, kusvika pasina kurapika.

16 Zvitanhatu izvi Jehovha wakavenga; zvirokwazvo, zvinomwe zvinyangadzo zvemweya weupenyu wake:

17 Meso anozvikudza, rurimi rwunoreva nhema, nemaoko anodurura ropa risina mhosva,

18 moyo unoronga mazano ezvisina maturo, tsoka dzinokurumidza kumhanyira kune zvakaipa,

19 chapupu chenhema chinofema nhema, uye anokanda mhesano pakati pehama.

Kushata kweupombwe

20 Mwanakomana wangu, chengeta murairo wababa vako; uye usasiya murau wamai vako.

21 Uzvisungire pamoyo wako nguva dzose; uzvimonere pamutsipa wako.

22 Pakufamba-famba kwako uchakutungamirira; pakurara kwako uchakurinda; pakumuka kwako iwo uchataura newe.

23 Nokuti murairo mwenje; uye murau chiedza; uye kutsiura kuzhinji kwekuraira inzira yeupenyu;

24 kuti zvikuchengete pamukadzi wakaipa, pamashoko ekubata kumeso erurimi rwemukadzi mutorwa.

25 Usashuva kunaka kwake mumoyo mako; uye ngaarege kukutora nemafunhiro emeso ake.

26 Nokuti nekuda kwemukadzi chifeve ungasvika pachimedu chechingwa; uye mukadzi wemunhu anovhima mweya unokosha.

27 Munhu ungatora moto kuisa muchipfuva chake, nguvo dzake ndokusatsva here?

28 Munhu angafamba pamazimbe anopiswa, tsoka dzake ndokusapiswa here?

29 Wakadaro uyo anopinda kumukadzi wewekwake; ani nani anomubata haangavi asina mhosva.

30 Havangazvidzi mbavha kana ichiba kuti izadze mweya weupenyu wayo kana ine nzara.

31 Kana akawanikwa anoripa kakapetwa kanomwe; anopa fuma yose yeimba yake.

32 Anoita upombwe nemukadzi anoshaiwa njere; anoita izvi ndiye anoparadza mweya weupenyu wake.

33 Achawana shamhu nekuzvidzwa; uye kunyadziswa kwake hakungapusikwi.

34 Nokuti godo ihasha dzemurume; naizvozvo haangavi netsitsi nezuva retsivo.

35 Haangavi nehanya nemuripo upi neupi; uye haangatendi kunyange ukawanza chipo.