ShonaTeam Proverbs « 5 »

Kushata kweufeve

5Mwanakomana wangu, teerera uchenjeri hwangu; isa nzeve yako pakunzwisisa kwangu;

2 kuti uchenjerere mifungo, nemiromo yako ichengetedze ruzivo.

3 Nokuti miromo yemukadzi wekumwe inodonha uchi; uye muromo wake unotedza kupfuura mafuta.

4 Asi kuguma kwake kunovava segavakava, kunopinza semunondo unocheka mativi maviri.

5 Tsoka dzake dzinoburukira kurufu; nhanho dzake dzinobatirira mugehena.

6 Zvimwe uenzanise gwara reupenyu, nzira dzake dzinotsveyama, haazvizivi.

7 Naizvozvo imwi vana, teererai kwandiri, uye musatsauka pamashoko emuromo wangu.

8 Sudurusira nzira yako kure naye; uye usaswedera pamukova weimba yake.

9 Zvimwe ungapa rukudzo rwako kune vamwe, nemakore ako kune ane utsinye.

10 Zvimwe vatorwa vangazvigutsa nesimba rako, nezvawakatamburira zvive mumba memutorwa.

11 Zvino ucharira pakupedzisira kwako, kana nyama yako nemuviri wako zvaparadzwa.

12 Zvino uchati: Ndakavenga sei kurairirwa, uye moyo wangu wakashora kutsiurwa!

13 Handinawo kunzwa inzwi revadzidzisi vangu, uye handina kurerekera nzeve yangu kune vaindirairidza!

14 Ndakapotsa ndava mune zvakaipa zvose, mukati mechaunga nesangano.

15 Inwa mvura padziva rako, nemvura inoyerera kubva mukati metsime rako.

16 Zvitubu zvako ngazvipararire kunze, nzizi dzemvura padzinhandare.

17 Ngazvive zvako woga, uye zvisava zvevatorwa pamwe newe.

18 Chitubu chako ngachiropafadzwe; uye ufarire mukadzi weudiki hwako.

19 Nondokadzi inodikanwa kwazvo, nengururu hadzi inoyevedza; mazamu ake ngaakugutse nguva dzose; ugare uchitenderedzwa nerudo rwake nekusingaperi.

20 Nokuti iwe, mwanakomana wangu, uchadzungaidzirwei nemukadzi wekumwe, nekumbundikira chipfuva chemukadzi mutorwa?

21 Nokuti nzira dzemunhu dziri pamberi pemeso aJehovha; uye ndiye anoenzanisa makwara ake ose.

22 Zvivi zvake wakaipa zvichamubata, uye achabatwa nemabote echivi chake.

23 Iye achafa nekusarairwa; uye achatsauka neukuru hweupenzi hwake.