ShonaTeam Proverbs « 4 »

Uchenjeri hunopa imwe mibairo

4Inzwai, vana, murairo wababa; uye muchenjerere kuti muzive kunzwisisa.

2 Nokuti ndinokupai dzidziso yakanaka; regai kusiya murairo wangu.

3 Nokuti ndaiva ndiri mwanakomana kuna baba vangu, ndakapfava, ndiri ndoga pamberi pamai vangu.

4 Zvino vakandirairidza ndokuti kwandiri: Moyo wako ngaubatisise mashoko angu; chengeta mirairo yangu ugorarama.

5 Wana uchenjeri, wana kunzwisisa; usakanganwa uye usatendeuka kubva pamashoko emuromo wangu.

6 Usahusiya, uye huchakuchengetedza; uhude, zvino huchakurinda.

7 Chekutanga uchenjeri; wana uchenjeri, uye nezvawawana zvose wana kunzwisisa.

8 Uhukudze, zvino huchakukwiridzira; huchakuvigira rukudzo kana uchihumbundikira.

9 Huchapa musoro wako chishongo chenyasha, huchakuvigira korona inobwinya.

10 Inzwa, mwanakomana wangu, uye gamuchira mashoko angu; zvino makore eupenyu hwako achava mazhinji.

11 Ndakakudzidzisa panzira yeuchenjeri; ndakakufambisa pamakwara ekururama.

12 Kana uchifamba nhanho yako haingambandidzirwi; uye kana uchimhanya haungagumburwi.

13 Batirira pakurairwa; usaregedza; ukuchengete, nokuti ndiko upenyu hwako.

14 Usapinda pagwara revakaipa, uye usafamba munzira yevakaipa.

15 Uinzvenge, usapfuura nemairi; tsauka pairi ugopfuura.

16 Nokuti havarari kana vasina kuita chakaipa; uye hope dzavo dzinobviswa kana vasina kugumbura munhu.

17 Nokuti vanodya zvekudya zvezvakaipa, nekunwa waini yezvechisimba.

18 Asi gwara revakarurama rakaita sechiedza chinopenya, chinofamba chichipenya kusvika pamasikati makuru.

19 Nzira yevakaipa yakaita serima; havazivi kuti vachagumburwa nei.

20 Mwanakomana wangu, teerera mashoko angu; uise nzeve yako pakutaura kwangu.

21 Ngazvirege kupukunyuka kubva pameso ako; uzvichengete mukati memoyo wako.

22 Nokuti ndihwo upenyu kune vanoawana, neutano kumuviri wavo wose.

23 Chengeta moyo wako kupfuura zvose zvinochengetedzwa; nokuti mauri munobva kubuda kukuru kweupenyu.

24 Bvisa kwauri kutsauka kwemuromo; uye kukombama kwemiromo isa kure newe.

25 Meso ako ngaatarise mberi; nemafunhiro emeso ako arurame pamberi pako.

26 Gadzira gwara rerutsoka rwako; uye nzira dzako dzose dzisimbe.

27 Usarerekera kurudyi kana kuruboshwe; dzora rutsoka rwako pane zvakaipa.