ShonaTeam Proverbs « 3 »

Amwe mazano kumajaya

3Mwanakomana wangu, usakanganwa murairo wangu; asi moyo wako ngauchengete mirairo yangu.

2 Nokuti zvichawedzera kwauri kureba kwemazuva, nemakore eupenyu, nerugare.

3 Rudo nekuvimbika ngazvirege kukusiya; uzvisungirire pamutsipa wako; uzvinyore pahwendefa remoyo wako.

4 Saizvozvo uchawana nyasha neuchenjeri hwakanaka pameso aMwari nevanhu.

5 Vimba naJehovha nemoyo wako wose; uye urege kusendama pakunzwisisa kwako.

6 Umutende panzira dzako dzose; iye agoruramisa makwara ako.

7 Usava wakachenjera pameso ako; itya Jehovha, uye ubve pane chakaipa.

8 Zvichava kurapiwa kwerukuvhute rwako, nezvinwiwa zvemapfupa ako.

9 Kudza Jehovha nefuma yako, uye nezvibereko zvekutanga zvegoho rako rose.

10 Ipapo matura ako achazadzwa nezvakawanda, uye makate ako achapfachuka newaini itsva.

11 Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaJehovha; uye usasemeswa nekutsiura kwake.

12 Nokuti waanoda Jehovha anomutsiura, uye sezvinoita baba mwanakomana wavanofarira.

Mufaro wemunhu awana uchenjeri

13 Wakaropafadzwa munhu awana uchenjeri, nemunhu anowana kunzwisisa.

14 Nokuti kuwanikwa kwahwo kwakanaka kupfuura kuwanikwa kwesirivha; uye kuwanikwa kwahwo kupfuura goridhe.

15 Hunokosha kupfuura mabwe anokosha; uye zvose zvaungashuva hazvingaenzaniswi nahwo.

16 Kureba kwemazuva kuri muruoko rwake rwerudyi; muruoko rwake rweruboshwe mune fuma nerukudzo.

17 Nzira dzahwo inzira dzemufaro; nemakwara ahwo ese ndeerugare.

18 Ndihwo muti weupenyu kune vanohubata; uye umwe neumwe anohubatirira wakaropafadzwa.

19 Jehovha wakateya nyika neuchenjeri; wakamisa matenga nenjere.

20 Neruzivo rwake udziku ukuru hwakapamuka; uye makore akadonha dova.

21 Mwanakomana wangu, ngazvirege kubva pameso ako; chengetedza uchenjeri chaihwo nekungwara.

22 Zvino zvichava upenyu hwemweya wako, nenyasha pamutsipa wako.

23 Ipapo uchafamba nenzira yako wakachengetedzeka; uye rutsoka rwako harungagumburwi.

24 Kana uchirara pasi haungatyi; hongu ucharara, uye hope dzako dzichatapira.

25 Usatya chivhunduso pakarepo, kana zvekuparadzwa kwevakaipa kana kuchisvika.

26 Nokuti Jehovha achava nechivimbo chako; uye achachengetedza rutsoka rwako kuti rwusabatwa.

27 Usanyima chakanaka kuvaridzi vacho, kana zviri musimba reruoko rwako kuzviita.

28 Usati kune wekwako: Enda, ugodzoka, zvino mangwana ndichakupa; kana unazvo.

29 Usarongera wekwako zvakaipa, nokuti iye agere akadekara newe.

30 Usapikisana nemunhu pasina chikonzero, kana asina kukuitira zvakaipa.

31 Usagodora munhu anoita chisimba; uye usasarudza imwe yenzira dzake.

32 Nokuti mutsauki inyangadzi kuna Jehovha; asi chakavanzika chake chiri kune vakarurama.

33 Chakatukwa chaJehovha chiri mumba mewakaipa; asi anoropafadza ugaro hwevakarurama.

34 Zvirokwazvo iye anoseka vaseki, asi anopa nyasha vanozvininipisa.

35 Vakachenjera vachagara nhaka yerukudzo; asi mapenzi mugove wavo chinyadzo.