ShonaTeam Proverbs « 2 »

Mubairo weuchenjeri

2Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu, nekuchengeta mirairo yangu kwauri;

2 kuti uteererese nzeve yako kuuchenjeri, nekutandavadzira moyo wako kuhunzwisisa;

3 hongu, kana ukachemera kunzwisisa, kuti upe inzwi rako kuuchenjeri;

4 kana ukahutsvaka sesirivha, nekuhutsvakisisa sezvinokosha zvakavanzwa;

5 ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha, nekuwana ruzivo rwaMwari.

6 Nokuti Jehovha anopa uchenjeri; mumuromo make munobuda ruzivo nekunzwisisa.

7 Unochengetera vakarurama uchenjeri chaihwo; ndiye nhovo yevanofamba muchokwadi;

8 kuchengeta makwara emutongo; uye achachengetedza nzira yevatsvene vake.

9 Ipapo uchanzwisisa kururama, nemutongo, nekutendeka kukuru, nzira yose yakanaka.

10 Panenge papinda uchenjeri mumoyo mako, neruzivo rwuchifadza kumweya weupenyu wako;

11 kungwara kuchakuchengetedza, ruzivo rwuchakuchengeta;

12 kukununura panzira yakaipa, pamunhu anotaura zvinhu zvisakarurama;

13 vanosiya makwara ekururama, kuti vafambe nenzira dzerima;

14 vanofarira kuita zvakaipa, vanopembera pakutsauka kukuru kwewakaipa;

15 vemakwara avo akakombama, uye vanominama panzira dzavo;

16 kukununura pamukadzi wekumwe, kumukadzi mutorwa, anonyengera nemashoko ake.

17 Iye anosiya shamwari yeudiki hwake, achikanganwa sungano yaMwari wake.

18 Nokuti imba yake inonyura kurufu, nemakwara ake kuvakafa.

19 Hapana anopinda kwaari anozodzoka; uye havangananaviri kunzira dzeupenyu.

20 Kuti ufambe nenzira yevakanaka, uye uchengete makwara evakarurama.

21 Nokuti vakarurama vachagara panyika, uye vakakwana vachasara pairi.

22 Asi vakaipa vachagurwa kubva panyika; nevasakavimbika vadzurwe kubva pairi.