ShonaTeam Proverbs « 1 »

Basa rezvirevo

1 Zvirevo zvaSoromoni, mwanakomana waDhavhidhi, mambo waIsraeri;

2 kuziva uchenjeri nekurairirwa; kunzwisisa mashoko enjere;

3 kugamuchira kurairwa kweuchenjeri, kururama, nemutongo, nekuenzanisira;

4 kupa vasina ruzivo uchenjeri, zivo nekungwara kujaya.

5 Wakachenjera achanzwa agowedzera kudzidza; newenjere achawana mazano;

6 kunzwisisa chirevo nedudziro, mashoko evakachenjera nezvirabwe zvavo.

Mazano kumajaya

7 Kutya Jehovha ndiko kuvamba kweruzivo; mapenzi anozvidza uchenjeri nekurairirwa.

8 Mwanakomana wangu, inzwa kurairira kwababa vako; uye usasiya murairo wamai vako.

9 Nokuti zvichava chishongo chakanaka pamusoro wako, neuketani pamutsipa pako.

10 Mwanakomana wangu, kana vatadzi vachikukwezva, usatenda.

11 Kana vachiti: Hande nesu, ngativandire ropa. Ngativandire vasina mhosva pasina mhaka.

12 Ngativamedze vari vapenyu seguva, uye vari vakukutu saivo vanoburukira kugomba.

13 Tichawana fuma yose inokosha; tichazadza dzimba dzedu nezvakapambiwa.

14 Kanda mujenya wako pakati pedu; tose tichava nechikwama chimwe.

15 Mwanakomana wangu, usafamba mumugwagwa pamwe navo; dzora rutsoka rwako pagwara ravo.

16 Nokuti tsoka dzavo dzinomhanyira kuchakaipa; uye vanokurumidza kuteura ropa.

17 Zvirokwazvo mumbure unodzikirwa pasina kushiri dzemarudzi ose dzichizviona.

18 Zvino ivo vanovandira ropa ravo vamene; vanozvivandira upenyu hwavo.

19 Dzakadaro nzira dzeumwe neumwe anowana mubereko nekupamba; dzinotora upenyu hwevaridzi vadzo.

Uchenjeri hunodanidzira

20 Uchenjeri ukuru hunodanidzira panze; hunobudisa inzwi rahwo panhandare.

21 Hunodana panzvimbo dzinokosha dzekuungana; pamukova wemasuwo, paguta hunotaura mashoko ahwo, huchiti:

22 Kusvika rinhi, imwi vasina ruzivo, muchida kusava neruzivo, nevaseki vachifara mukuseka kwavo, uye mapenzi achivenga ruzivo?

23 Dzokerai pakutsiura kwangu; tarirai, ndichadururira mweya wangu kwamuri; ndichakuzivisai mashoko angu.

24 Nokuti ndakadana, asi makaramba; ndakatandavadza ruoko rwangu, asi hakuna wakava nehanya;

25 asi makazvidza zano rangu rose, uye hamuna kubvuma kutsiura kwangu;

26 iniwo ndichaseka padambudziko renyu; ndichanyomba pakusvika kwekutya kwenyu.

27 Pakusvika kwekutya kwenyu sedutu remhepo, nedambudziko renyu risvike sechamupupuri; kana pamuri pachisvika marwadzo nekushungurudzika;

28 ipapo vachandidana asi handipinduri; vachanditsvaka kwazvo asi havangandiwani;

29 nekuda kwekuti vakavenga ruzivo; nekutya Jehovha havana kusarudza.

30 Havana kubvuma zano rangu; vakazvidza kutsiura kwangu kose.

31 Zvino vachadya zvezvibereko zvenzira yavo, uye vachagutiswa nemazano avo.

32 Nokuti kudzokera kwevasina ruzivo kuchavauraya, uye kugadzikana kwemapenzi kuchavaparadza.

33 Asi anonditeerera achagara akachengetedzeka, achagadzikana pakutya chakaipa.