ShonaTeam Psalms « 147 »

Kurumbidza Jehovha Wemasimbaose

147Hareruya; nokuti zvakanaka kuimbira Mwari wedu rumbidzo; nokuti zvinofadza, rumbidzo yakafanira.

2 Jehovha anovaka Jerusarema; anounganidza vakadzingwa vaIsraeri.

3 Anoporesa vane moyo yakaputsika, uye anosunga mavanga avo.

4 Anoverenga uwandu hwenyeredzi; anodzidana dzose nemazita.

5 Ishe wedu mukuru, uye ndewe simba guru; kunzwisisa kwake hakuverengeki.

6 Jehovha anosimudzira vanyoro, anoderedza vakaipa kusvika pavhu.

7 Imbirai Jehovha nekuvonga; imbirai Mwari wedu rumbidzo nembira.

8 Iye anofukidza matenga nemakore; anogadzirira nyika mvura; anomeresa uswa pamakomo.

9 Anopa kuzvipfuwo zvekudya zvazvo, kumanyana emakunguvo anochema.

10 Haafari nesimba rebhiza; haafadzwi nemakumbo emunhu.

11 Jehovha anofadzwa nevanomutya, nevanomirira tsitsi dzake.

12 Rumbidza Jehovha, iwe Jerusarema; kudza Mwari wako, iwe Ziyoni.

13 Nokuti wakasimbisa mazariro emasuwo ako; wakaropafadza vana vako mukati mako.

14 Anoita rugare pamuganhu wako; anokugutisa nemafuta egorosi.

15 Anotuma chirevo chake panyika; shoko rake rinomhanya kwazvo.

16 Anopa magada echando semakushe emakwai; anoparadzira chando semadota.

17 Anokanda chimvuramabwe chake semisuva; ndiani angamira pamberi pechando chake?

18 Anotuma shoko rake ndokuzvinyausa; anovhuvhutisa mhepo yake, mvura zhinji ndokuyerera.

19 Anozivisa mashoko ake kuna Jakove, zvimiso zvake nemitongo yake kuna Israeri.

20 Haana kuitira rumwe rudzi saizvozvo; kana iri mitongo, havana kuiziva. Rumbidzai Jehovha!