ShonaTeam Psalms « 146 »

Kuvonga Jehovha anova muponesi

146Hareruya! Rumbidza Jehovha, mweya weupenyu wangu.

2 Ndicharumbidza Jehovha muupenyu hwangu; ndichaimbira Mwari wangu rumbidzo ndichiripo.

3 Regai kuvimba nemachinda, nemwanakomana wemunhu, kwaari hakuna ruponeso.

4 Mweya wake unobuda, unodzokera muvhu rake; nezuva iro mazano ake anopera.

5 Wakaropafadzwa iye ana Mwari waJakove kuti ave mubatsiri wake; tariro yake iri pana Jehovha Mwari wake.

6 Iye wakaita matenga nenyika, gungwa, nezvose zviri mukati mazvo; anochengeta chokwadi kusvika rinhi narinhi.

7 Anoitira vanomanikidzwa mutongo wakarurama; anopa zvekudya kune vane nzara; Jehovha anosunungura vasungwa.

8 Jehovha anosvinudza mapofu; Jehovha anosimudza vakakotamiswa pasi; Jehovha anoda vakarurama.

9 Jehovha anochengeta vatorwa; anotsigira nherera nechirikadzi; asi nzira yevakaipa anoipidigura.

10 Jehovha achatonga kusvika rinhi narinhi, Mwari wako, iwe Ziyoni, kusvika kuzera nezera. Rumbidzai Jehovha!