ShonaTeam Psalms « 145 »

Kurumbidza Jehovha paukuru hwake nenyasha dzake

Rwiyo rwekurumbidza rwaDhavhidhi.

145Ndichakusimudzirai, Mwari wangu, Mambo; nekurumbidza zita renyu kusvika rinhi narinhi.

2 Ndichakurumbidzai nezuva rimwe nerimwe, nekukudza zita renyu kusvika rinhi narinhi.

3 Jehovha mukuru, uye anorumbidzwa kwazvo; uye ukuru hwake haunganzverwi.

4 Rudzi nerudzi rwucharumbidza mabasa enyu, uye vachadudzira zviito zvenyu zvine simba.

5 Ndichataura rukudzo rwekubwinya rweumambo hwenyu, nemabasa enyu anoshamisa.

6 Zvino vachataura zviito zvenyu zvinotyisa, uye ndicharondedzera ukuru hwenyu.

7 Vachareva chirangaridzo chekuwanda kweukuru hwenyu, nekuimbira kururama kwenyu.

8 Jehovha ane nyasha netsitsi, anononoka kutsamwa, uye mukuru patsitsi.

9 Jehovha wakanaka kune vose; uye tsitsi dzake dziri pamusoro pemabasa ake ose.

10 Mabasa enyu ose achakurumbidzai Jehovha; nevatsvene venyu vachakurumbidzai.

11 Vachataura kubwinya kweushe hwenyu, nekutaura simba renyu.

12 Kuti vazivise vanakomana vevanhu mabasa ake ane simba, nekubwinya kweumambo hweushe hwake.

13 Ushe hwenyu ushe hwekusingaperi kose, neumambo hwenyu huchagara kuzera rose nezera.

14 Jehovha anotsigira vose vanowa, uye anosimudza vose vakakotamira pasi.

15 Meso evose anotarira kwamuri; nemwi munovapa zvekudya zvavo panguva yakafanira.

16 Munozarura ruoko rwenyu, ndokugutisa chishuwo chechipenyu chimwe nechimwe.

17 Jehovha wakarurama panzira dzake dzose, uye ane nyasha pamabasa ake ose.

18 Jehovha ari pedo nevose vanomudana, kune vose vanodana kwaari muchokwadi.

19 Achaita chishuwo chevanomutya, uye anonzwa kuchema kwavo, ndokuvaponesa.

20 Jehovha anochengetedza vose vanomuda, asi achaparadza vakaipa vose.

21 Muromo wangu uchataura rumbidzo yaJehovha, nenyama yose ichavonga zita rake dzvene kusvika rinhi narinhi.