ShonaTeam Psalms « 142 »

Munyengetero wekukumbira kubatsirwa padambudziko

Masikiri yaDhavhidhi, munyengetero, paakanga ari mubako.

142Ndinodana kuna Jehovha nenzwi rangu; ndinonyengetera nenzwi rangu kuna Jehovha.

2 Ndinodurura chichemo changu pamberi pake; ndinozivisa kutambudzika kwangu pamberi pake.

3 Apo mweya wangu wapera simba mukati mangu, imwi makaziva gwara rangu. Panzira yandinofamba nayo vakandivanzira musungo.

4 Tarirai kurudyi, mugoona; asi kwaiva kusina anondiziva; utiziro hwakandikona; hakuna wakashingairira mweya weupenyu wangu.

5 Ndakachemera kwamuri, Jehovha; ndakati: Ndimwi utiziro hwangu, mugove wangu panyika yevapenyu.

6 Teererai kuchema kwangu; nokuti ndaderedzwa kwazvo. Ndinunurei pane vanondidzingirira; nokuti vane simba kundipfuura.

7 Budisai mweya weupenyu wangu mutirongo kuti ndirumbidze zita renyu; vakarurama vachandikomberedza; nokuti muchandibata zvakanaka kwazvo.