ShonaTeam Psalms « 140 »

Dhavhidhi anonyengetera kuti arwirwe pavavengi vake

Kumutungamiriri wekuimba. Pisarema raDhavhidhi.

140Ndinunurei, Jehovha, kubva pamunhu wakaipa; ndichengetedzei kubva pamurume ane hasha zhinji.

2 Ivo, vanoronga zvakaipa mumoyo; zuva rose vanounganira hondo zhinji.

3 Vakarodza rurimi rwavo senyoka; uturu hwechiva huri pasi pemiromo yavo. Sera.

4 Ndichengetedzei, Jehovha, kubva pamaoko ewakaipa; ndidzivirirei kubva pamurume ane hasha zhinji, vanoronga kuwisa tsoka dzangu.

5 Vanozvikudza vakandivanzira musungo uye mabote; vakatandira mumbure parutivi rwenzira; vakanditeyera vugombe. Sera.

6 Ndakati kuna Jehovha: Imwi muri Mwari wangu. Isai nzeve, Jehovha, painzwi remikumbiro yangu.

7 Jehovha, Ishe, simba reruponeso rwangu, makafukidza musoro wangu pazuva rezvombo.

8 Regai kupa, Jehovha, zvishuwo zvewakaipa; regai kubudiririsa zano rake rakaipa; zvimwe vazvikudze. Sera.

9Kana uri musoro wevanondikomba, kutambudza kwemiromo yavo ngakuvafukidze.

10 Mazimbe anopfuta ngaawire pamusoro pavo; ngaavawisire mumoto, mumakomba akadzika, kuti vasamuka.

11 Munhu werurimi rwakaipa haangasimbiswi panyika; munhu ane hasha, zvakaipa zvichamuvhima kuve kusundwa kukuru.

12 Ndinoziva kuti Jehovha achashanda mhosva yevanotambudzika, nekururamisira vashaiwi.

13 Zvirokwazvo, vakarurama vacharumbidza zita renyu; vakatwasanuka vachagara pamberi penyu.