ShonaTeam Psalms « 139 »

Jehovha muzivi nemuoni wezvose

Kumutungamiriri wekuimba. Pisarema raDhavhidhi.

139Jehovha, makandinzvera, uye munondiziva.

2 Imwi munoziva kugara kwangu pasi nekusimuka kwangu; munonzwisisa murangariro wangu muri kure.

3 Munopepeta kufamba kwangu nekurara kwangu; uye munozivisisa nzira dzangu dzose.

4 Nokuti shoko haripo parurimi rwangu: Tarirai, Jehovha, matoriziva rose.

5 Makandikomberedza shure nemberi; uye makaisa ruoko rwenyu pamusoro pangu.

6 Ruzivo rwakadai rwunoshamisa kwazvo kwandiri; rwakakwirira; handigoni kusvikira kwarwuri.

7 Ndichaendepi ndibve pamweya wenyu? Kana ndichatizirepi ndibve pachiso chenyu?

8 Kana ndikakwira kumatenga, ipapo muripo; kana ndikawaridza nhovo yangu paSheori, tarirai muripo.

9 Ndikatora mapapiro emangwanani, ndigare pamugumo wegungwa,

10 ipapowo ruoko rwenyu ruchanditungamirira, uye ruoko rwenyu rwerudyi ruchandibata.

11 Kana ndichiti: Zvirokwazvo, rima richandifukidza; zvino usiku huchava chiedza kwandiri mativi ose.

12 Nerima harisvibi kwamuri, asi usiku hunopenya semasikati; serima, chakadaro chiedza kwamuri.

13 Nokuti imwi makava muridzi weitsvo dzangu; makandiruka mudumbu ramai vangu.

14 Ndichakurumbidzai; nokuti ndakaitwa zvinotyisa uye zvinoshamisa; mabasa enyu anoshamisa; uye mweya weupenyu wangu unoziva kwazvo.

15 Mapfupa angu aiva asina kuvanzwa kwamuri, pandaiitwa pachivande, ndakanyatsorukwa neunyanzvi panzvimbo dzezasi dzepasi.

16 Meso enyu akaona muviri wangu uchigere kuumbiridzwa; uye murugwaro rwenyu zvose izvi zvakanyorwa, mazuva azvakaumbwa nawo, kusati kwava nechimwe chazvo.

17 Uye yakakosha sei kwandiri mirangariro yenyu, Mwari! Yakakura sei pauwandu hwayo pamwe chete!

18Kana ndikaiverenga, yakawanda kupfuura jecha; pandinomuka, ndichinemwi.

19 Zvirokwazvo, muchauraya wakaipa, Mwari! Naizvozvo imwi varume veropa zhinji, ibvai kwandiri,

20 vanokutaurai nekunyengera; vavengi venyu vanotora zita renyu pasina.

21 Handivavengi here, Jehovha, vanokuvengai, uye ndinosemeswa nevanokumukirai?

22 Ndinovavenga neruvengo rwakakwana; vava vavengi kwandiri.

23 Ndinzverei, Mwari, mugoziva moyo wangu; ndiidzei, mugoziva ndangariro dzangu;

24 mugoona kana pane nzira yakaipa mandiri; uye nditungamirirei munzira isingaperi.