ShonaTeam Psalms « 137 »

Kuchema kwevana vaIsraeri vakatapwa

137Panzizi dzeBhabhironi, ipapo takagara, hongu takachema misodzi patairangarira Ziyoni.

2 Pamikonachando mukati madzo takaturika mbira dzedu.

3 Nokuti ipapo avo vakatitapa vakakumbira kwatiri mashoko erwiyo, nevakatipamba vakakumbira mufaro, vachiti: Tiimbireiwo parwiyo rweZiyoni.

4 Tingaimba sei rwiyo rwaJehovha munyika yeutorwa?

5 Kana ndikakukanganwa, iwe Jerusarema, ruoko rwangu rwerudyi ngarukanganwe umhizha.

6 Rurimi rwangu ngarunamatire kumatadza angu, kana ndikasakurangarira, kana ndisingasimudziri Jerusarema pamusoro pemufaro wangu mukurusa.

7 Rangarirai, Jehovha, vana vaEdhomu, zuva reJerusarema, ivo vakati: Putsai, putsai, kusvika panheyo yaro.

8 Iwe mukunda weBhabhironi, wava kuzoparadzwa; wakaropafadzwa achatsiva kwauri chiito chako chawakaita kwatiri.

9 Wakaropafadzwa achabata ndokurovera vacheche vako padombo.