ShonaTeam Psalms « 136 »

Kuvonga Jehovha pazvishamiso zvake

136Vongai Jehovha, nokuti wakanaka; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.

2 Vongai Mwari wevamwari; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.

3 Vongai Ishe wemadzishe; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.

4 Iye oga anoita zvishamiso zvikuru; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.

5 Iye wakaita matenga nenjere; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.

6 Iye anotatamura nyika pamusoro pemvura zhinji; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.

7 Iye wakaita zviedza zvikuru; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.

8 Zuva kutonga pamasikati; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.

9 Mwedzi nenyeredzi kutonga pausiku; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.

10 Iye wakarova vaEgipita pamatangwe avo; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.

11 Zvino wakabudisa Israeri kubva pakati pavo; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.

12 Neruoko rwune simba, uye nechanza chakatandavadzwa; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.

13 Iye wakaparadzanisa Gungwa Dzvuku kuva mapandi; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.

14 Nekupfuudza Israeri nepakati paro; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.

15 Asi wakazunzira Farao nehondo yake muGungwa Dzvuku; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.

16 Iye wakatungamirira vanhu vake murenje; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.

17 Iye wakarova madzimambo makuru; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.

18 Hongu, wakauraya madzimambo anokudzwa; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.

19 Sihoni mambo wevaAmori; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.

20 NaOgi mambo weBhashani; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.

21 Ndokupa nyika yavo kuva nhaka; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.

22 Nhaka kuna Israeri muranda wake; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.

23 Iye wakatirangarira pakuva pasi kwedu; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.

24 Zvino wakatinunura kubva pavavengi vedu; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.

25 Achipa nyama yose zvekudya; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.

26 Vongai Mwari wematenga; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.