ShonaTeam Psalms « 135 »

Kurumbidza Jehovha pamusoro pezvishamiso zvake

135Hareruya! Rumbidzai zita raJehovha; murumbidzei, imwi varanda vaJehovha.

2 Imwi mumire muimba yaJehovha, muvazhe dzeimba yaMwari wedu.

3 Rumbidzai Jehovha; nokuti Jehovha wakanaka; imbirai zita rake rumbidzo; nokuti zvinofadza.

4 Nokuti Jehovha wakazvisarudzira Jakove, Israeri ave chinokosha chake chakasanangurwa.

5 Nokuti ini ndinoziva kuti Jehovha mukuru, uye Ishe wedu ari pamusoro pevamwari vose.

6 Zvose Jehovha zvaanoda anozviita, kumatenga nepanyika, mumakungwa neudziku hwose.

7 Anokwidza mhute zhinji kumugumo wenyika; anoitira mvura mheni; anobudisa mhepo pamatura ake.

8 Iye wakarova matangwe eEgipita, kubva kumunhu kusvika kumhuka.

9 Wakatuma zviratidzo nezvishamiso mukati mako, iwe Egipita, pamusoro paFarao nepamusoro pevaranda vake vose.

10 Iye wakarova marudzi mazhinji, nekuuraya madzimambo ane simba:

11 Sihoni mambo wevaAmori, naOgi mambo weBhashani, neushe hwose hweKenani.

12 Ndokupa nyika yavo ive nhaka, nhaka yaIsraeri rudzi rwake.

13 Jehovha, zita renyu riripo nekusingaperi; Jehovha, kurangarirwa kwenyu kuri kuzera nezera.

14 Nokuti Jehovha achatonga vanhu vake; uye achazvidemba pamusoro pevaranda vake.

15 Zvifananidzo zvevahedheni isirivha negoridhe, basa remaoko evanhu.

16 Zvine miromo, asi hazvitauri; meso zvinawo, asi hazvioni.

17 Zvine nzeve, asi hazvinzwi; nemweya haupo pamuromo wazvo.

18 Vanozviita vanofanana nazvo; wose anovimba nazvo.

19 Iwe imba yaIsraeri, rumbidza Jehovha; iwe imba yaAroni, rumbidza Jehovha;

20 iwe imba yaRevhi, rumbidza Jehovha; imwi vanotya Jehovha, rumbidzai Jehovha.

21 Ngaarumbidzwe Jehovha ari paZiyoni, iye agere paJerusarema. Hareruya!