ShonaTeam Psalms « 133 »

Kunaka kwerudo pakati pehama

Rwiyo rwekukwira; rwaDhavhidhi.

133Tarirai, zvakanaka sei uye kunofadza sei kugara pamwe kwehama, iko kubatana.

2 Zvakafanana nemafuta akanaka, pamusoro pemusoro, achiburukira pandebvu, ndebvu dzaAroni, anoburukira kumupendero wenguvo dzake.

3 Sedova reHerimoni, rinoburukira pamakomo eZiyoni; nokuti ipapo Jehovha wakaraira ropafadzo, upenyu kusvika pakusingaperi.