ShonaTeam Psalms « 131 »

Rugare muna Jehovha

Rwiyo rwekukwira rwaDhavhidhi.

131Jehovha, moyo wangu hauzvikudzi, uye meso angu haakwiriri, uye handina kufamba pazvinhu zvakakura nepazvinhu zvinoshamisa kwazvo kwandiri.

2 Zvirokwazvo ndakadzikamisa uye ndakanyaradza mweya weupenyu wangu, seanorumurwa kuna mai vake; mweya weupenyu wangu wakaita seakarumurwa mandiri.

3 Israeri ngaataririre kuna Jehovha kubva ikozvino kusvika pakusingaperi.