ShonaTeam Psalms « 130 »

Munyengetero wekukumbira kanganwiro nekununurwa

Rwiyo rwekukwira.

130Ndiri muudziku ndakadanidzira kwamuri, Jehovha.

2 Ishe, inzwai inzwi rangu; nzeve dzenyu ngadziteerere inzwi remikumbiro yangu.

3 Dai imwi Jehovha, maicherekedza zvitadzo, Ishe, ndiani angamira?

4 Asi kwamuri kune kanganwiro, kuti mutyiwe.

5 Ndakamirira Jehovha; mweya weupenyu wangu unomirira; uye ndinotaririra shoko rake.

6 Mweya weupenyu wangu unorindira Ishe, kupfuura vanorindira rungwanani, vakarindira rungwanani.

7 Israeri ngaataririre kuna Jehovha, nokuti kuna Jehovha kune tsitsi, uye kwaari kune rudzikinuro rukuru.

8 Zvino iye anodzikinura Israeri pazvitadzo zvake zvose.