ShonaTeam Psalms « 129 »

Kunyengeterera kuparadzwa kwevanovenga Ziyoni

Rwiyo rwekukwira.

129Kazhinji vakanditambudza kubva paudiki hwangu, Israeri ngaadaro hake.

2 Kazhinji vakanditambudza kubva paudiki hwangu; zvakadaro havana kundikunda.

3 Varimi vakarima pamusana wangu; vakarebesa mihoronga yavo.

4 Jehovha wakarurama; wakagura mabote evakaipa.

5 Ngavanyadziswe, vadzoserwe shure, ivo vose vanovenga Ziyoni.

6 Ngavave seuswa pamatenga eimba, hunosvava husati hwakura.

7 Mukohwi haazadzi ruoko rwake nahwo, neanosunga zvisote fungata rake.

8 Nevanopfuura vasareva kuti: Ropafadzo yaJehovha ngaive pamusoro penyu; tinokuropafadzai muzita raJehovha.