ShonaTeam Psalms « 128 »

Kuropafadzwa kwemunhu wakarurama

Rwiyo rwekukwira.

128Wakaropafadzwa wose anotya Jehovha, anofamba munzira dzake.

2 Nokuti iwe uchadya kubata kwemaoko ako; uchafara, uye zvichava zvakanaka kwauri.

3 Mukadzi wako achava semuzambiringa unobereka kumativi eimba yako; vana vako vachava semabukira emiorivhi vakakomberedza tafura yako.

4 Nokuti tarirai, saizvozvo acharopafadzwa murume anotya Jehovha.

5 Jehovha achakuropafadza ari paZiyoni; uye uchaona zvakanaka zveJerusarema mazuva ose eupenyu hwako.

6 Uye uchaona vana vevana vako. Rugare ngarwuve pamusoro paIsraeri.