ShonaTeam Psalms « 127 »

Maropafadzo ose anobva kuna Jehovha

Rwiyo rwekukwira; rwaSoromoni.

127Kana Jehovha asingavaki imba, vanoivaka vanoita pasina; kana Jehovha asingachengeti guta, murindi anorindira pasina.

2 Hazvina maturo kuti mumuke mangwanani, mugare kusvika hwava usiku, mudye zvekudya zvekutamburira; saizvozvo anopa hope mudikanwi wake.

3 Tarirai, vana inhaka yaJehovha; chibereko chechizvaro mubairo.

4 Semiseve muruoko rwemhare, ndizvo zvakaita vana veujaya.

5 Wakaropafadzwa murume wakazadza goba rake navo; havanganyadziswi, nokuti vachataurirana nevavengi pasuwo.