ShonaTeam Psalms « 126 »

Kuvonga Jehovha nekudzosa kwake vatapwa paZiyoni

Rwiyo rwekukwira.

126Pakudzosa kwaJehovha nhapwa dzeZiyoni, takava sevanorota.

2 Ipapo muromo wedu wakazara kuseka, nerurimi rwedu kuimba. Ipapo vakati pakati pevahedheni: Jehovha wakavaitira zvinhu zvikuru.

3 Jehovha wakatiitira zvinhu zvikuru; tinofara.

4 Dzosaizve, Jehovha, utapwa hwedu, sehova kuchamhembe.

5 Vanodzvara nemisodzi vachakohwa nemufaro.

6 Anofamba-famba, zvino achichema misodzi, akatakura mbeu yekudzvara, achadzoka zvekudzoka nekufara akatakura zvisote zvake.