ShonaTeam Psalms « 124 »

Murwiri waIsraeri ngaarumbidzwe

Rwiyo rwekukwira; rwaDhavhidhi.

124Dai aiva asiri Jehovha waiva nesu, Israeri ngaadaro;

2 dai aiva asiri Jehovha waiva nesu, vanhu pavaitimukira;

3 ipapo vangadai vakatimedza tiri vapenyu pakupfuta kwehasha dzavo kwatiri.

4 Ipapo mvura zhinji ingadai yakatiputira, rwizi rungadai rwakapfuura nepamusoro pemweya wedu.

5 Ipapo mvura zhinji inozvikudza ingadai yakapfuura nepamusoro pemweya weupenyu wedu.

6 Jehovha ngaarumbidzwe iye asina kutipa kuti tive chinojimbiwa pamazino avo.

7 Mweya weupenyu wedu wapukunyuka seshiri pamusungo wemuteyi weshiri; musungo wadambuka, uye isu tapukunyuka.

8 Rubatsiro rwedu rwuri muzita raJehovha, wakaita matenga nenyika.