ShonaTeam Psalms « 122 »

Jerusarema guta rinodikanwa

Rwiyo rwekukwira; rwaDhavhidhi.

122Ndakafara pavakati kwandiri: Ngatiende kuimba yaJehovha.

2 Tsoka dzedu dzimire mumasuwo ako, Jerusarema.

3 Jerusarema rakavakwa seguta rakasangana pariri.

4 Ndiko kunokwira marudzi, marudzi aJehovha, kuchipupuriro chaIsraeri, kuvonga kuzita raJehovha.

5 Nokuti ndiko kwakagadzwa zvigaro zveushe zvekutonga, zvigaro zveushe zveimba yaDhavhidhi.

6 Nyengetererai rugare rweJerusarema; vanokudai vachabudirira.

7 Rugare ngarwuve mukati memasvingo ako, kuchengetedzeka mukati medzimba dzako dzeushe.

8 Nekuda kwehama dzangu neshamwari dzangu ikozvino ndava kuti: Rugare ngarwuve mukati mako.

9 Nekuda kweimba yaJehovha Mwari wedu ndichakutsvakira zvakanaka.