ShonaTeam Psalms « 121 »

Jehovha ndiye muperekedzi parwendo

Rwiyo rwekukwira.

121Ndichasimudzira meso angu kumakomo; uko kunobva rubatsiro rwangu.

2 Rubatsiro rwangu rwunobva kuna Jehovha, wakaita matenga nenyika.

3 Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke; muchengetedzi wako haangatsumwairi.

4 Tarirai, muchengetedzi waIsraeri haangatsumwairi uye haangarari.

5 Jehovha muchengetedzi wako; Jehovha mumvuri wako paruoko rwako rwerudyi.

6 Zuva haringakurovi masikati, kana mwedzi pausiku.

7 Jehovha achakuchengetedza kubva pazvakaipa zvese; achachengeta mweya weupenyu wako.

8 Jehovha achachengetedza kubuda kwako nekupinda kwako, kubva ikozvino uye kusvika nekusingaperi.