ShonaTeam Psalms « 120 »

Munyengetero wekukumbira kununurwa

Rwiyo rwekukwira.

120Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha, zvino akandipindura.

2 Nunurai mweya weupenyu wangu, Jehovha, kubva pamuromo unoreva nhema, parurimi rwunonyengera.

3 Achakupei, uye achawedzerei kwauri, iwe rurimi rwunonyengera?

4 Miseve yakapinza yeane simba, pamwe nemazimbe anopfuta emurara.

5 Nhamo kwandiri, nokuti ndigere semutorwa paMesheki, ndigere pamwe chete nematende eKedhari!

6 Mweya weupenyu wangu wakanguva wagara neanovenga rugare.

7 Ndiri werugare; asi pandinotaura, ndeve hondo.