ShonaTeam Psalms « 118 »

Rwiyo rwekuvonga pamutambo

118Vongai Jehovha; nokuti wakanaka; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.

2 Israeri ikozvino ngaareve kuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.

3 Veimba yaAroni ikozvino ngavareve kuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.

4 Vanotya Jehovha ikozvino ngavareve kuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.

5 Pakumanikidzwa ndakadana kuna Jehovha; Jehovha akandipindura akandiisa pakafaranuka.

6 Jehovha ari kwandiri; handingatyi; munhu angandiitei?

7 Jehovha ari kwandiri pamwe nevanondibatsira; naizvozvo ini ndichaona chishuwo changu pane vanondivenga.

8 Zviri nani kutizira kuna Jehovha pakuvimba nemunhu.

9 Zviri nani kutizira kuna Jehovha pakuvimba nemachinda.

10 Marudzi ose akandikomba; asi muzita raJehovha ndichaagura.

11 Akandikomba, zvirokwazvo akandikomba; asi muzita raJehovha ndichaagura.

12 Akandikomba senyuchi; akadzimwa semoto weminzwa; asi muzita raJehovha ndichaagura.

13 Iwe wakandisundidzira zvekundisundidzira, kuti ndiwe; asi Jehovha wakandibatsira.

14 Jehovha isimba rangu nerwiyo rwangu; uye wakava ruponeso rwangu.

15 Inzwi rekufara neruponeso riri mumatende evakarurama; ruoko rwerudyi rwaJehovha rwunobata nesimba.

16 Ruoko rwerudyi rwaJehovha rwakakwiridzirwa; ruoko rwerudyi rwaJehovha rwunobata nesimba.

17 Handingafi, asi ndichararama, nekurondedzera mabasa aJehovha.

18 Jehovha wakandiranga zvinorwadza; asi haana kundikumikidza kurufu.

19 Ndizarurirei masuwo ekururama; ndipinde nawo; ndirumbidze Jehovha.

20 Iri ndiro suwo raJehovha; vakarurama vachipinda naro.

21 Ndichakuvongai, nokuti makandipindura, ndokuva ruponeso rwangu.

22 Ibwe vavaki ravakaramba rava musoro wekona.

23 Izvi zvakabva kuna Jehovha; zvinoshamisa pameso edu.

24 Rino izuva Jehovha raakaita; tichafara uye tifarise mariri.

25 Ponesai henyu, ndinonyengetera, Jehovha; ndinonyengetera hangu Jehovha, budiririsai.

26 Wakaropafadzwa iye anouya nezita raJehovha; tinokuropafadzai tiri mumba maJehovha.

27 Jehovha ndiMwari, iye wakatipa chiedza. Sunga chipo chemutambo nezvisungo kuti kusvika panyanga dzearitari.

28 Imwi muri Mwari wangu, uye ndichakurumbidzai; Mwari wangu, ndichakukudzai.

29 Vongai Jehovha; nokuti wakanaka; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.