ShonaTeam Psalms « 116 »

Kuvonga kwemunhu akabatsirwa kwazvo naJehovha

116Ndinomuda Jehovha, nokuti wakanzwa inzwi rangu, mikumbiro yangu.

2 Nokuti wakarerekera nzeve yake kwandiri; uye pamazuva angu ndichadana kwaari.

3 Mabote erufu akandikomba, uye marwadzo egehena akandiwana; ndakawana kushungurudzika nekusuwa.

4 Zvino ndakadana kuzita raJehovha: Jehovha, nunurai henyu mweya wangu.

5 Jehovha ane nyasha, uye wakarurama; uye Mwari wedu ane tsitsi.

6 Jehovha anochengeta zvituta; ndanga ndaderedzwa, iye ndokundiponesa.

7 Dzokera kuzororo rako, mweya wangu; nokuti Jehovha wakakuitira zvakanaka.

8 Nokuti makanunura mweya wangu parufu, meso angu pamisodzi, rutsoka rwangu pakugumburwa.

9 Ndichafamba pamberi paJehovha panyika dzevapenyu.

10 Ndakatenda, naizvozvo ndakataura. Ini ndakatambudzika zvikuru.

11 Ini ndakati pakukurumidza kwangu: Munhu wose murevi wenhema.

12 Ndichadzoserei kuna Jehovha pane zvinowanikwa zvake zvose kwandiri?

13 Ndichasimudza mukombe weruponeso rukuru, uye ndichadana kuzita raJehovha.

14 Ndichazadzisa mhiko dzangu kuna Jehovha ikozvino pamberi pevanhu vake vose.

15 Rwakakosha pameso paJehovha rufu rwevatsvene vake.

16 Haiwa Jehovha, zvirokwazvo ndiri muranda wenyu; ndiri muranda wenyu, mwanakomana wemurandakadzi wenyu; makasunungura misungo yangu.

17 Ndichapa kwamuri chibairo chekuvonga, uye ndichadana kuzita raJehovha.

18 Ndichazadzisa mhiko dzangu kuna Jehovha ikozvino pamberi pevanhu vake vose,

19 pavazhe dzeimba yaJehovha, mukati mako, iwe Jerusarema. Hareruya!