ShonaTeam Psalms « 113 »

Kuvonga Jehovha nekusimudzira vanotambura

113Hareruya! Rumbidzai, varanda vaJehovha, rumbidzai zita raJehovha.

2 Ngarirumbidzwe zita raJehovha kubva ikozvino uye kusvika rinhi narinhi.

3 Kubva pakubuda kwezuva kusvika pakuvira kwaro zita raJehovha ngarirumbidzwe.

4 Jehovha wakakwirira pamusoro pevahedheni vose; kubwinya kwake kuri pamusoro pematenga.

5 Ndiyani wakafanana naJehovha Mwari wedu? Anogara kumusoro;

6 anozvideredza kuti aone kumatenga nepanyika;

7 anomusimudza murombo kubva muguruva; anokwiridzira anoshaiwa kubva padurunhuru;

8 kuti amugarise pamwe nemachinda, pamwe nemachinda evanhu vake;

9 achigarisa mhanje mumba, ave mai vanofara vevana. Hareruya.