ShonaTeam Psalms « 113 » |
Kuvonga Jehovha nekusimudzira vanotambura
113Hareruya! Rumbidzai, varanda vaJehovha, rumbidzai zita raJehovha.
2 Ngarirumbidzwe zita raJehovha kubva ikozvino uye kusvika rinhi narinhi.
3 Kubva pakubuda kwezuva kusvika pakuvira kwaro zita raJehovha ngarirumbidzwe.
4 Jehovha wakakwirira pamusoro pevahedheni vose; kubwinya kwake kuri pamusoro pematenga.
5 Ndiyani wakafanana naJehovha Mwari wedu? Anogara kumusoro;
6 anozvideredza kuti aone kumatenga nepanyika;
7 anomusimudza murombo kubva muguruva; anokwiridzira anoshaiwa kubva padurunhuru;
8 kuti amugarise pamwe nemachinda, pamwe nemachinda evanhu vake;
9 achigarisa mhanje mumba, ave mai vanofara vevana. Hareruya.