ShonaTeam Psalms « 112 »

Kuropafadzwa kwemunhu anoda Jehovha

112Rumbidzai Jehovha! Wakaropafadzwa munhu anotya Jehovha, anofarira zvikuru mirau yake.

2 Mbeu yake ichava nesimba panyika; zera revakarurama richaropafadzwa.

3 Fuma nezvakawanda zvichava mumba make; uye kururama kwake kunogara kusvika rinhi narinhi.

4 Chiedza chinobudira vakarurama parima; ane nyasha netsitsi nekururama.

5 Wakanaka munhu anoita nenyasha, uye anopa chikwereti. Anofambisa nyaya dzake nekururama.

6 Nokuti haangazununguswi kusvika nekusingaperi; wakarurama achava pakurangarirwa kusvika nekusingaperi.

7 Haangatyi shoko rakaipa; moyo wake wakasimba, unovimba naJehovha.

8 Moyo wake wakatsigirwa, haangatyi, kusvika aona chishuwo chake pamusoro pevadzivisi vake.

9 Wakaparadzira, wakapa varombo; kururama kwake kunogara kusvika rinhi narinhi; runyanga rwake rwuchasimudzwa nerukudzo.

10 Wakaipa achaona ndokutsamwa; achageda-geda meno ake, ndokunyauka; chishuwo chewakaipa chichaparara.