ShonaTeam Psalms « 111 »

Jehovha wakafanira kurumbidzwa

111Hareruya! Ndichavonga Jehovha nemoyo wose, parangano yevakarurama, nepaungano.

2 Akakura mabasa aJehovha; anotsvakwa nevose vanoafarira.

3 Basa rake rinokudzwa uye rine umambo; uye kururama kwake kunomira kusvika rinhi narinhi.

4 Wakaita kuti mabasa ake anoshamisa arangarirwe. Jehovha ane nyasha uye ane tsitsi.

5 Wakapa zvekudya kune vanomutya; acharangarira sungano yake kusvika pakusingaperi.

6 Wakazivisa vanhu vake simba remabasa ake, kuvapa nhaka yemarudzi.

7 Mabasa emaoko ake ichokwadi nekururama; mirau yake yose ndeyechokwadi.

8 Yakateyiwa kusvika rinhi narinhi kusvika pakusingaperi, yakaitwa nechokwadi nekururama.

9 Wakatuma rudzikunuro kuvanhu vake; wakaraira sungano yake kusvika rinhi narinhi; zita rake idzvene uye rinotyisa.

10 Kutya Jehovha ndiko kutanga kweuchenjeri; vanonzwisisa zvakanaka vose vanoiita mirairo; rumbidzo yake inogara nekusingaperi.