ShonaTeam Psalms « 110 »

Umambo neupristi hwaMesiasi

Pisarema raDhavhidhi.

110Jehovha wakati kuna Ishe wangu: Gara kurudyi rwangu, kusvika ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.

2 Jehovha achatuma tsvimbo yesimba rako kubva paZiyoni, achiti: Tonga pakati pevavengi vako.

3 Vanhu vako vachada kwazvo pazuva resimba rako, mukunaka kukuru kweutsvene; kubva muchizvaro chemangwanani kunouya kwauri dova reujaya hwako.

4 Jehovha wakapika, uye haangazvidembi: Iwe uri mupristi kusvika rinhi narinhi, zvichienderana nerudzi rwaMerikizedheki.

5 Ishe parudyi rwako achaparadza madzimambo pazuva rekutsamwa kwake.

6 Iye achatonga pakati pevahedheni, achazadza nezvitunha; achaparadza musoro pamusoro penyika huru.

7 Achanwa parukova panzira; naizvozvo achasimudza musoro.