ShonaTeam Psalms « 109 »

Munyengetero wekukumbira kutsiviwa kwevavengi

Kumutungamiriri wekuimba. Pisarema raDhavhidhi.

109Mwari werumbidzo yangu, regai kunyarara.

2 Nokuti muromo wewakaipa nemuromo weunyengeri yakazarukira ini; vakataura neni nerurimi rwenhema.

3 Vakandikombawo nemashoko eruvengo, uye vakandirwisa pasina chikonzero.

4 Pachinzvimbo cherudo rwangu vanondipikisa, asi ini pamunyengetero ndiripo.

5 Vakaisa pandiri chakaipa pachinzvimbo chechakanaka, neruvengo pachinzvimbo cherudo rwangu.

6 Isai wakaipa pamusoro pake, uye Satani ngaamire paruoko rwake rwerudyi.

7 Paanotongwa, ngaabude nemhosva; uye munyengetero wake ngauve chivi.

8 Mazuva ake ngaave mashoma; umwe ngaatore utariri hwake.

9 Vana vake ngavave nherera, uye mukadzi wake ngaave chirikadzi.

10 Uye vana vake ngavambeye nekumbeya nekupemha; ngavatsvake zvekudya kubva mumatongo avo.

11 Mukweretesi ngaaise mumusungo zvose zvaanazvo; uye vatorwa ngavapambe zvibereko zvebasa rake.

12 Ngakusava neanomutandavadzira tsitsi; uye ngakusava neanonzwira ngoni nherera dzake.

13 Chizvarwa chake ngachigurwe; zita ravo ridzimwe pazera rinotevera.

14 Uipi hwemadzibaba ake ngahurangarirwe kuna Jehovha; nezvivi zvamai vake zvirege kudzimwa.

15 Ngazvive pamberi paJehovha rinhi narinhi, kuti agure kurangarirwa kwavo panyika.

16 Nokuti haana kurangarira kuita tsitsi, asi wakadzingirira munhu anotambudzika neanoshaiwa, nekuuraya wekuputsika pamoyo.

17 Sezvaakada kutuka, naizvozvo ngakuburukire kwaari; sezvaasina kufarira kuropafadza, naizvozvo ngakuve kure naye.

18 Sezvaakazvifukidza nekutuka sezvakafanana nenguvo yake, saizvozvo ngazviuye muura hwake semvura uye semafuta mumapfupa ake.

19 Ngazvive kwaari sechipfeko chaanofukidza nacho, uye sebhanhire raanozvisunga naro rinhi narinhi.

20 Uyu ndiwo mubairo wevadzivisi vangu kubva kuna Jehovha, newevanotaurira mweya weupenyu wangu zvakaipa.

21 Asi imwi Jehovha Ishe, itai neni nekuda kwezita renyu; nokuti tsitsi dzenyu dzakanaka, ndinunurei.

22 Nokuti ndiri murombo nemushaiwi, nemoyo wangu wakakuvadzwa mukati mangu.

23 Ndapfuura semumvuri paunoreba; ndapepereswa semhashu.

24 Mabvi angu anodzedzereka nekutsanya; nenyama yangu yaonda nekushaiwa kukora.

25 Iniwo ndava chiseko kwavari; vachindiona vanodzungudza musoro wavo.

26 Ndibatsirei, Jehovha, Mwari wangu; ndiponesei zvichienderana netsitsi dzenyu.

27 Kuti vazive kuti urwu ruoko rwenyu; imwi Jehovha makazviita.

28 Ivo ngavatuke, asi imwi ropafadzai; kana vachisimuka, ngavanyadziswe, asi muranda wenyu ngaafare.

29 Vadzivisi vangu ngavafukidzwe nenyadzi, ngavazvimonere nekunyara kwavo senge nejazi.

30 Ndichavonga Jehovha kwazvo nemuromo wangu; zvirokwazvo ndichamurumbidza pakati pevazhinji.

31 Nokuti achamira kuruoko rwerudyi rweanoshaiwa, kumuponesa pane vanotonga mweya weupenyu wake.