ShonaTeam Psalms « 108 »

Munyengetero wekukumbira kubatsirwa kukunda

Rwiyo. Pisarema raDhavhidhi.

108Moyo wangu wakasimba, Mwari; ndichaimba, zvirokwazvo ndichaimba rumbidzo, hongu rukudzo rwangu!

2 Muka iwe mutengeranwa nembira; ndichamuka mangwanani.

3 Ndichakuvongai pakati pemarudzi, Jehovha; uye ndichakuimbirai rumbidzo pakati pevahedheni.

4 Nokuti tsitsi dzenyu ihuru kumusoro kwematenga; nechokwadi chenyu chinosvika kumakore.

5 Kudzwai, kumusoro kwematenga, Mwari, nekubwinya kwenyu pamusoro penyika yose.

6 Kuti vadikanwi venyu vanunurwe; ponesai neruoko rwenyu rwerudyi, mugotipindura.

7 Mwari wakataura muutsvene hwake; ndichafara; ndichaganhura Shekemu, uye ndichayera mupata weSukoti.

8 Giriyadhi nderangu, Manase nderangu; Efuremuwo isimba remusoro wangu; Judha mupi wangu wemurau.

9 Moabhu ndiwo mudziyo wangu wekushambira; pamusoro peEdhomu ndichakandira shangu yangu; pamusoro peFirisitia ndichadanidzira nekukunda.

10 Ndiani anondipinza muguta rakasimba? Ndiani achanditungamirira muEdhomu?

11 Hamuna kutirasa here, Mwari; uye hamubudi, Mwari, nehondo dzedu?

12 Ipai rubatsiro kwatiri kubva padambudziko; nokuti ruponeso rwemunhu harwuna maturo.

13 Muna Mwari tichaita neumhare; nokuti iye achatsikira vadzivisi vedu pasi.